Chafunga aiva murume akanga anemakore makumi maviri ane mana kubva kuberekwa kwake. Aigara kuDangadema, nyika yaMambo Zihwe uye aiva uto ramambo uyu. Akanga aona Nyaradzo rimwe remazuva apo Nyaradzo paakanga ainda kuDangadema kubva kwaMusita. Nyaradzo akanga ainda kundovhakachira vatete vake vaiva vakaroogwa kuDangadema. Panguva iyi, Nyaradzo aiva nemakore gumi nematanhatu kubva achiberekwa. Chero hazvo vaviri

Chitsauko 1 Varume vatatu vakanga vambonyarara kwechinguva chakatirebei, umwe noumwe amborashikira mufungwa dzake. “Kriiiiiiieeeeeeeiiii!,” zizi rinorira riri pedopedo. Muzanenhamo anoridza tsamwa yakakora kwazvo. Anoteta-teta marasha mumoto wakanga woda kudzima achiubaya-baya nedanda romupani raitsva pachiveso achishandisa rumwe rukuni, ndokuzopedzisira okanda rukuni gwacho mumoto wavaidziya uyoyo. “Kriiiiiiieeeeeeeiiii!,” zizi rinopamha zvakare kurira noruzha gwaibaya kusvika muzimai rezheve chaimo.

Vakomana vaidawo Maria zvavakanzwa zvakanga zvaitwa naMusuvawebhinya vakaviruka nehasha. Nechinguva chisipi vakaungana vakarangana zvavaifanira kuita kuna Musuvawebhinya. Vamwe vakaona zvichizovapa mukana wokudiwa nomusikana, nokudaro vakatenderana kuti Musuvawebhinya aifanira kurakashwa zvaizoita kuti akungure kuti dai asina zvake kuzvarwa. Dambudziko padare iri rakava rokuti aizomutanga aiva ani. Vakomana vakatanga kuita mukariranwa, vakadzikana vaparadzana vachingokakavadzana. Maria zvaakaona avakusvika

Aizviziva kuti vanhu vaizviziva, kuti iye aizviziva kuti akanga akashata. Idzi dzaisava nhema, chakanga chirichokwadi. Gomana rakanga rakanyangara. Kusviba aiva matsito, meso aive akatsvuka seebere. Chiso waiti icheni yasakara nokukweva tarakita. Mhino waiti mikova yamapako okwaRunde, nzeve dzaiva dzakatiza dzoro raiva guru. Kuzoti gurokuro raigara rakarembera serebugwa ririkukama mukaka. Muromo wezasi waiva wakatsveyama waiti ndewemuramba

Ndini zvangu ndakanga ndirimuneimwe imba yokudhlira muguta reHarare. Meso angu songanei nemhandara yandakadzidza nayo chikoro kare. Yava zvayo mudzimai abve zera iyezvino. Chiso ndakakurumidza kuchiziva. Meso, mhino, muromo chirebvu, zheve nechimiro zvakanga zvichizvo zvakare. Moyo wangu wakamboti kuda kufananidza chete. Zvimwe kwaingovavo kufanana kana kuti yakanga iri hama yake. Pandakazoona kambonje kaiva pahuma yake nechedivi

  • 1