Chafunga aiva murume akanga anemakore makumi maviri ane mana kubva kuberekwa kwake. Aigara kuDangadema, nyika yaMambo Zihwe uye aiva uto ramambo uyu. Akanga aona Nyaradzo rimwe remazuva apo Nyaradzo paakanga ainda kuDangadema kubva kwaMusita. Nyaradzo akanga ainda kundovhakachira vatete vake vaiva vakaroogwa kuDangadema. Panguva iyi, Nyaradzo aiva nemakore gumi nematanhatu kubva achiberekwa. Chero hazvo vaviri
Tag: Daniel Mutendi
Chitsauko 1 Varume vatatu vakanga vambonyarara kwechinguva chakatirebei, umwe noumwe amborashikira mufungwa dzake. “Kriiiiiiieeeeeeeiiii!,” zizi rinorira riri pedopedo. Muzanenhamo anoridza tsamwa yakakora kwazvo. Anoteta-teta marasha mumoto wakanga woda kudzima achiubaya-baya nedanda romupani raitsva pachiveso achishandisa rumwe rukuni, ndokuzopedzisira okanda rukuni gwacho mumoto wavaidziya uyoyo. “Kriiiiiiieeeeeeeiiii!,” zizi rinopamha zvakare kurira noruzha gwaibaya kusvika muzimai rezheve chaimo.
Mhoroi mosemose uko! Ndati ndimboshumavo nyaya yangu pano. E-ee, Pano paita zvedare kana kuti dandaro chairo. Ndavhuravo nzvimbo yekuti kunevaya vanoshuvira kuhwereketa kana kutaura nevamwe vanonakigwa nendimi dzeChiShona vapote vachivhakacha pano kana kutotumiravo fungwa dzavo dzavangada kuti vamwe vadzidzeye. Munoona, chimwe chezvinhu zvinoita kuti isu vanhu vazhinji vemuno muAfrica, kunyanya muno muZimbabwe tizvivenge pakusvika kurasha
- 1