Chitsauko 1 Varume vatatu vakanga vambonyarara kwechinguva chakatirebei, umwe noumwe amborashikira mufungwa dzake. “Kriiiiiiieeeeeeeiiii!,” zizi rinorira riri pedopedo. Muzanenhamo anoridza tsamwa yakakora kwazvo. Anoteta-teta marasha mumoto wakanga woda kudzima achiubaya-baya nedanda romupani raitsva pachiveso achishandisa rumwe rukuni, ndokuzopedzisira okanda rukuni gwacho mumoto wavaidziya uyoyo. “Kriiiiiiieeeeeeeiiii!,” zizi rinopamha zvakare kurira noruzha gwaibaya kusvika muzimai rezheve chaimo.
Tag: ChiShona
Vakomana vaidawo Maria zvavakanzwa zvakanga zvaitwa naMusuvawebhinya vakaviruka nehasha. Nechinguva chisipi vakaungana vakarangana zvavaifanira kuita kuna Musuvawebhinya. Vamwe vakaona zvichizovapa mukana wokudiwa nomusikana, nokudaro vakatenderana kuti Musuvawebhinya aifanira kurakashwa zvaizoita kuti akungure kuti dai asina zvake kuzvarwa. Dambudziko padare iri rakava rokuti aizomutanga aiva ani. Vakomana vakatanga kuita mukariranwa, vakadzikana vaparadzana vachingokakavadzana. Maria zvaakaona avakusvika
Aizviziva kuti vanhu vaizviziva, kuti iye aizviziva kuti akanga akashata. Idzi dzaisava nhema, chakanga chirichokwadi. Gomana rakanga rakanyangara. Kusviba aiva matsito, meso aive akatsvuka seebere. Chiso waiti icheni yasakara nokukweva tarakita. Mhino waiti mikova yamapako okwaRunde, nzeve dzaiva dzakatiza dzoro raiva guru. Kuzoti gurokuro raigara rakarembera serebugwa ririkukama mukaka. Muromo wezasi waiva wakatsveyama waiti ndewemuramba
- 1