Chafunga aiva murume akanga anemakore makumi maviri ane mana kubva kuberekwa kwake. Aigara kuDangadema, nyika yaMambo Zihwe uye aiva uto ramambo uyu. Akanga aona Nyaradzo rimwe remazuva apo Nyaradzo paakanga ainda kuDangadema kubva kwaMusita. Nyaradzo akanga ainda kundovhakachira vatete vake vaiva vakaroogwa kuDangadema. Panguva iyi, Nyaradzo aiva nemakore gumi nematanhatu kubva achiberekwa. Chero hazvo vaviri
Tag: ChiKaranga
Ndini zvangu ndakanga ndirimuneimwe imba yokudhlira muguta reHarare. Meso angu songanei nemhandara yandakadzidza nayo chikoro kare. Yava zvayo mudzimai abve zera iyezvino. Chiso ndakakurumidza kuchiziva. Meso, mhino, muromo chirebvu, zheve nechimiro zvakanga zvichizvo zvakare. Moyo wangu wakamboti kuda kufananidza chete. Zvimwe kwaingovavo kufanana kana kuti yakanga iri hama yake. Pandakazoona kambonje kaiva pahuma yake nechedivi
- 1