Vabereki vangu vakatamburira kuti ndiinde kuchikoro Danga ren’ombe ndakapedza ndoga Vakasimira mamvemve kuti ndiwane dzidzo Naizvozvo ndakavapa gose rukudzo Vakandidzidzisa zvakawanda zvoupenyu Dzidziso yavo ndikaichengeta Ndakaichengetera mukati-kati memoyo wangu Ndakadzidza chikoro neshungu Mushoka musine chero shangu Ndaivanga zuva roga roga Kuti ramangwana rangu rijeke Vari kumhepo vakadavira nemufaro Ndikakunda pazvidzidzo zvangu Vabereki vakafara vakabike doro
Category: Pamusha
Home page
Tsunga mhuri yanguwe-e Nhambo ino usiku asi mangwana zuva rinobuda Ndinozviziva munavo vana mukumbazvose Vane moyo mikukutu chose Mukavati nokorai ivo vanotomurudza chaenga chose Kuvati vhurai zhira yekwambuya Muguri wose unobandiwa Chiororo chiripo zvacho Mubwiro havapindi nazvo Vari pamakwikwi kukambura zvidhlo zvavana Hona voita zvokukomberana Kwai vakuru vakareve nhema Pavakati hushe madzoro Hino kwavari huchava
Nhasi mangwanani ndapinda muneimwe supermarket ndinechichemo changu ndikabatwa zvandikathlamadza chose. Ndatumigwa kune mumwe mudzimai anechinzvimbo chezvimwe zviripamusoro imomo kuti andibetsere. Mudzimai uyu wandimhorosa nechirungu ini ndikadavira hangu neChiKaranga. Tamboenda mberi tichitaura saizvozvo kusvika ati haatendegwi kutaura neni nechiShona. Ndakathlamara chose nazvo ndikamukumbira kuti andidanire munhu unogona kuhwanana neni pamutauro wangu. Waratidza kushipikana chose kusvika angozoti
- 1
- 2