Kare haagari ari kare Madzishe azuro, nhasi yavamirakwani Hama dzangu regai kupata Seiya nhunzi yokupata Yakatevera chitunha kusvika yafutsigwavo Musapata sechishambwe chiya Chinoramba chakanamira pamhuka Mhuka yacho yofudzwa zvayo namawanga Kutoita henyu meso seenhukusa Munosvadiwa mosewe-e Yeukai kuti ramangwana ririko Mhembwe inofuma yakabata museve Nhasi haarambi ari nhasi Muimbi akashaura akati; Ramangwana rirongere Tinomuka musoro
Category: Daniel Mutendi
Nhetembo dzakanyogwa naDaniel Mutendi
Vabereki vangu vakatamburira kuti ndiinde kuchikoro Danga ren’ombe ndakapedza ndoga Vakasimira mamvemve kuti ndiwane dzidzo Naizvozvo ndakavapa gose rukudzo Vakandidzidzisa zvakawanda zvoupenyu Dzidziso yavo ndikaichengeta Ndakaichengetera mukati-kati memoyo wangu Ndakadzidza chikoro neshungu Mushoka musine chero shangu Ndaivanga zuva roga roga Kuti ramangwana rangu rijeke Vari kumhepo vakadavira nemufaro Ndikakunda pazvidzidzo zvangu Vabereki vakafara vakabike doro
Tsunga mhuri yanguwe-e Nhambo ino usiku asi mangwana zuva rinobuda Ndinozviziva munavo vana mukumbazvose Vane moyo mikukutu chose Mukavati nokorai ivo vanotomurudza chaenga chose Kuvati vhurai zhira yekwambuya Muguri wose unobandiwa Chiororo chiripo zvacho Mubwiro havapindi nazvo Vari pamakwikwi kukambura zvidhlo zvavana Hona voita zvokukomberana Kwai vakuru vakareve nhema Pavakati hushe madzoro Hino kwavari huchava
- 1