Shingai akanga atsunga zvino. Kwaari zvakanga zvaita sezvafanana; kugara kana kutiza pamusha. Kugara kwaingoreva rufu kana baba vake vadzoka. Kutiza achipinda mumhindo yaivako usiku uhwu kwaingorevavo kumedzwa nezvikara zvendudzi dzose. Fungwa dzake dzakabikana zvakare akazoguma aona kuti kutiza kwaiva nani nekuti kwaitombomupa kamukana kekukunda. Hon’o zvikara zvemudondo zvaizomubhebhena hake ari mupenyu asi aizofa aedza. Zvikara
Category: Nganonyogwa
Mabhuku nezvimwe zvinyogwa
Pamusha paChafunga paiva nedzimba mbiri, tsapi imwe nechirugu chehuku. Pakanga pasina danga ren’ombe nekuti akanga asina n’ombe dzacho. Chero mbudzi chaidzo akanga asati ava nadzo. Dzimba mbiri dzaiva nechepakati peruvazhe, sure kwehozi ndiko kwaiva netsapi. Dzimba dzake dzakanga dzakatarira kumavirira zvekuti pairereka zuva kuti richinyura, raitombozara mudzimba idzi kana mikova yakashama. Pamusha pakanga pakachena chaizvo,
Rimwe zuva Nyaradzo apedza kusakurira nzungu dzake akadzokera kumba. Akakurumidza kubika sadza rake nerembwa dzake mbiri. Akaronga zvekukurumidza kundogeza kuti abvise madhaka aiva anamira pamakumbo ake nhambo dzaaisakura uye kugeza ziya rainamira muviri wake wose. Vatete vake vakanga vambomuseka nenyaya yekugara akageza. Vakanga vati havaiona chikonzero chekuti ageze iye murume wake asipo. Kuvanhu vazhinji zvekugeza
Chafunga aiva murume akanga anemakore makumi maviri ane mana kubva kuberekwa kwake. Aigara kuDangadema, nyika yaMambo Zihwe uye aiva uto ramambo uyu. Akanga aona Nyaradzo rimwe remazuva apo Nyaradzo paakanga ainda kuDangadema kubva kwaMusita. Nyaradzo akanga ainda kundovhakachira vatete vake vaiva vakaroogwa kuDangadema. Panguva iyi, Nyaradzo aiva nemakore gumi nematanhatu kubva achiberekwa. Chero hazvo vaviri
Chitsauko 1 Varume vatatu vakanga vambonyarara kwechinguva chakatirebei, umwe noumwe amborashikira mufungwa dzake. “Kriiiiiiieeeeeeeiiii!,” zizi rinorira riri pedopedo. Muzanenhamo anoridza tsamwa yakakora kwazvo. Anoteta-teta marasha mumoto wakanga woda kudzima achiubaya-baya nedanda romupani raitsva pachiveso achishandisa rumwe rukuni, ndokuzopedzisira okanda rukuni gwacho mumoto wavaidziya uyoyo. “Kriiiiiiieeeeeeeiiii!,” zizi rinopamha zvakare kurira noruzha gwaibaya kusvika muzimai rezheve chaimo.
Vakomana vaidawo Maria zvavakanzwa zvakanga zvaitwa naMusuvawebhinya vakaviruka nehasha. Nechinguva chisipi vakaungana vakarangana zvavaifanira kuita kuna Musuvawebhinya. Vamwe vakaona zvichizovapa mukana wokudiwa nomusikana, nokudaro vakatenderana kuti Musuvawebhinya aifanira kurakashwa zvaizoita kuti akungure kuti dai asina zvake kuzvarwa. Dambudziko padare iri rakava rokuti aizomutanga aiva ani. Vakomana vakatanga kuita mukariranwa, vakadzikana vaparadzana vachingokakavadzana. Maria zvaakaona avakusvika
Aizviziva kuti vanhu vaizviziva, kuti iye aizviziva kuti akanga akashata. Idzi dzaisava nhema, chakanga chirichokwadi. Gomana rakanga rakanyangara. Kusviba aiva matsito, meso aive akatsvuka seebere. Chiso waiti icheni yasakara nokukweva tarakita. Mhino waiti mikova yamapako okwaRunde, nzeve dzaiva dzakatiza dzoro raiva guru. Kuzoti gurokuro raigara rakarembera serebugwa ririkukama mukaka. Muromo wezasi waiva wakatsveyama waiti ndewemuramba
Maidei wakanga achengetera matama ake mumaoko zvino. Misodzi yakanga isina achapukuta. Zvimadzihwa ndizvo zvaaipota achikwevera mukati memhino apo neapo. Nhambo yakanga yafamba chose musi uyu asi iye akaramba akangogara akatarira rinda rababa vake. Mivhunzo yose yaakanga avhunza yakanga isina akanga akwanisa kuipindura. Guva harina kana nekuzununguka kose. Panguva idzi, kwakanga kwatodarika makore matatu ose kubva
- 1