Rimwe zuva ndakamboona mumwe murume neshamwari dzake vachizvimwira havo mipeta yavo. Murume uye akanga akagara pakati pechikwata uye ariratidza kuti ndiye aitengera vamwe vose doro. Shamwari dzake dzakanga dzichimuterera chaizvo. Murume uyu akanga akabata mwana wake airatidzika kuti akanga anegore rimwe kuda nemwedzi mitanhatu kana kuti misere pamakumbo. Chakandivhundusa ndechekuti muchinda uyu aipota achiti akati
Category: Daniel Mutendi
Pano panefungwa dzaDaniel Mutendi
Ndini zvangu ndakanga ndirimuneimwe imba yokudhlira muguta reHarare. Meso angu songanei nemhandara yandakadzidza nayo chikoro kare. Yava zvayo mudzimai abve zera iyezvino. Chiso ndakakurumidza kuchiziva. Meso, mhino, muromo chirebvu, zheve nechimiro zvakanga zvichizvo zvakare. Moyo wangu wakamboti kuda kufananidza chete. Zvimwe kwaingovavo kufanana kana kuti yakanga iri hama yake. Pandakazoona kambonje kaiva pahuma yake nechedivi
Kubva mazuva angu ndichirikuchikoro, ndaigara ndichihwa vakuru vachiraira vanasikana kunyanya. Zvainzi ‘kana ukanyanya kufarira kutamba nevakoma, unoita pamuviri’ Izvi ndaizvihwa posepose, kungava kumba, kuSvondo kana pamaTV nemumaradio. Nanhasi ndinongohwa vakuru vachidzokorora mashoko iwawa. Vakomana vanoudziwavo asi zvishoma, kuti kana vakanyanya kufarira kutamba nevasikana, hazvishamisa kana vakaita vanababa vemba vasati vada. Mashoko awa akanaka chose uye
Mhoroi mosemose uko! Ndati ndimboshumavo nyaya yangu pano. E-ee, Pano paita zvedare kana kuti dandaro chairo. Ndavhuravo nzvimbo yekuti kunevaya vanoshuvira kuhwereketa kana kutaura nevamwe vanonakigwa nendimi dzeChiShona vapote vachivhakacha pano kana kutotumiravo fungwa dzavo dzavangada kuti vamwe vadzidzeye. Munoona, chimwe chezvinhu zvinoita kuti isu vanhu vazhinji vemuno muAfrica, kunyanya muno muZimbabwe tizvivenge pakusvika kurasha
Nhasi mangwanani ndapinda muneimwe supermarket ndinechichemo changu ndikabatwa zvandikathlamadza chose. Ndatumigwa kune mumwe mudzimai anechinzvimbo chezvimwe zviripamusoro imomo kuti andibetsere. Mudzimai uyu wandimhorosa nechirungu ini ndikadavira hangu neChiKaranga. Tamboenda mberi tichitaura saizvozvo kusvika ati haatendegwi kutaura neni nechiShona. Ndakathlamara chose nazvo ndikamukumbira kuti andidanire munhu unogona kuhwanana neni pamutauro wangu. Waratidza kushipikana chose kusvika angozoti
- 1