Mazai eMheni Chitsauko 5

Shingai akanga atsunga zvino. Kwaari zvakanga zvaita sezvafanana; kugara kana kutiza pamusha. Kugara kwaingoreva rufu kana baba vake vadzoka. Kutiza achipinda mumhindo yaivako usiku uhwu kwaingorevavo kumedzwa nezvikara zvendudzi dzose. Fungwa dzake dzakabikana zvakare akazoguma aona kuti kutiza kwaiva nani nekuti kwaitombomupa kamukana kekukunda. Hon’o zvikara zvemudondo zvaizomubhebhena hake ari mupenyu asi aizofa aedza. Zvikara zvaainyanya kuthla ndezviya zvinotumwa nevanhu kunyanya husiku. Zvikara izvi zvainetsa nekuti vashoma ndivo vaiziva kuti zvakaita sei, uye vaigona kuzviona. Fungwa yazvo chete yaiita kuti ambodzokera mumba maaivata kundovanda nekufunga arimo. Zviri zvezvikara zvemhuka, aizopedzerana nazvo. Nyangwe zvake akanga asati aona mhuka zhinji dzaigona kukuvadza kana kudhla vanhu, zhinji dzacho aigona kudziziva kana aidziona uye aiziva kuti dzaitiziwa sei. Izvi aizviziva kubva kunyaya dzaitaugwa nevavhimi vaigara vachipinda muzidondo rainzi Mazivandadzoka. Kuti atize kwakachena zvainetsa. Vanhu vaizomuona vozoruma baba vake zheve kuti akanga ainda nezhira ipi. Izvozvi zvaaidai kufunga, muchiuno make makanga mune nhava yaiva nezvunhu zvishomashoma neguchu remvura. Chinhu chaaivimba nacho hwaiva uta nemiseve yake. Vakomana vezera rake vakawanda vemuDangadema vakanga vasingakwani paari pakunanga nemuseve. Akasara kusvika makore matanhatu atowisa mhembwe yake yokutanga. Mukomana akarovera moyo wake pahwe akabuda mumba achipinda mumhindo hobvu yaivako usiku uhwu. Akatombofunga kuti zvaizoita nani dai kwaiva nemwedzi muchena asi akazviyeuchidza kuti “dai” kufunga kwebenzi. Kufa kwemurume kubuda ura uye gwara ndorinorohwa rakamira. Zvekutiza nzvimbo yeDangadema ndizvo zvaakanga otoita pasina kudzokera sure. Zhira yaaizofamba nayo aiiziva kwazvo nekuti yaidarika nekumakura kwaaigara achifudzira mbudzi nevamwe vake. Achitanga kufamba kuthla kwakambotiza semunhu akanga achiri munzvimbo yaigara vanhu. Mainini vake Marujata vaisimutuma husiku kakawanda chaizvo saka akanga ati jairei zvekufamba murima. Fungwa yezvakanga zvarongwa nababa vake Chafunga kuti vamuuraye yakambodzoka achifamba kudai akasuruvara kwazvo. Ko chii chakanga chapinda muna baba vake zvekuti vangada kumupfuudza kudai? Zvechokwadi Marujata akanga avabikira muti une simba guru chaizvo. Kana kusi kudhlisiwa, bva dzavo dzakanga dzatotamba nevana chete. Fungwa dzinogona kumhanya chaizvo dzikashanyira nzvimbo dzakawanda nenguva dukuduku. Shingai akaronda hupenyu hwake kubva paaiyeuka mukugara kwake nababa vake. Akayeuka nguva yaaigara zvakanaka nevabereki vake, Chafunga naMarujata. Vanhu vaviri ava vakanga vamuchengeta zvaimunakidza chaizvo uye vanhu vakawanda vakasvika pakukangamwa kuti Shingai akanga asiri mwana akanga abuda mudumbu raMarujata. Marujata aida Shingai zvakanyanyisa. Zvunhu zvakazotanga kushanduka nguva dzakazvara Marujata mwana wake mukomana akamutumidza zita rekuti Svotesai. Vaimuudza vaiti Svotesai akazvagwa kwapera makore maviri kubva zvakanga zvatorana Chafunga naMarujata. Panguva idzi Shingai akanga ava nemakore mana okuberekwa. Shingai akafara chaizvo kuti akanga ava nekamunun’una kake. Ukuvo Marujata akafaravo zvakanyanya nechipo chakanga chabva kuvadzimu vake. Akati vavengi vake vakanga vasvodesewa zvaigwadza fani. Vose vaigara vachimuseka nenyaya yehutsikombi kana kushaya mbereko vakanga vadigwa mvura ine makoko kumeso. Hama dzaMarujata dzakatanga kushanya dzichigara nguva refu pamusha paChafunga dzakasununguka zvadzo. Chakashamisa Shingai ndechekuti hama dzamainini vake Marujata hadzaimbotaridza kuti dzaiona kuti iye akanga aripovo pamba apa. Nguva zhinji vaimudzinga mumba mavanenge vari kana vachiona Svotesai. Zvishoma nezvishoma Shingai akahwa masaisai oruvengo achibva kumhuri iyi achimuputira. Marujata akatanga kumutuka uye kumurovera zvunhu zvaaisimboratidza kushaya hanya nazvo. Mumwe musi Shingai akarohwa mbama zheve dzikaita sedzichadzivira namai vaMarujata. Haana kuziva chaakarohwegwa uye haana kuvhunza. Akangobuda mumba imomo akandogara pazhe achirohwa nechando. Baba vake pavakadzoka kumba manheru akavaudza zvakanga zvaitika ivo vakavhunza mukadzi wavo. Chezuva iri Chafunga akadzidza zvitsva. Marujata akapenga zvisingabviri. Murume akanongwa kubva kushoka kusvika kuhuma yakangayobatana nemhazha. Zvikati mhazha yakanga yavakutangavo mumusoro maChafunga. Akaudziwa zvekusada kwake kuti hama dzaMarujata dzifare dziripamba pake. Chafunga akashaiwa neremumuromo akangoti zii akadaro. Ramangwana Shingai akagashidziwa dzimwe mbama nhatu nambuya vaSvotesai vakamuudza kuti azoreva zvakare kana baba vake vadzoka. Semukomana aikurumidza kudzidza, Shingai haana kuzoreva chero chinhu kuna baba vake pane mashiripiti aaiitigwa nemhuri yekwaNdove. Kurohwa, kutsvinyigwa uye kutukwa ndokwakava magariro ake mazuva akawanda chaizvo. Kana pane wekwaNdove aiva negarabgwa pahuro, aitsvaka panaShingai orikanda kumeso kwake chaiko. Chafunga akatangavo kutora tsika yomukadzi wake yokuvenga Shingai. Ndiye akanga otozonyanya kumurova kudarika vekwaNdove. Vanhu vemunharaunda vakadzungudza misoro uye vakanyunyuta zvisingabviri nezvaiitigwa chikomana ichi. Vazhinji vaitaura vachiti Chafunga akanga abikigwa mupfuhwira wakashata chose. Vamwe ndovaiti akanga amwisiwa mahewu akanga akavhenganisiwa neropa raMarujata raakanga abuda ari kumwedzi kuti akakavare saye uye kuti vafunge zvimwe. Vaihwira ngoni ndivo vaitopota vachipa Shingai zvokudhla nokuti mwana wakanga atoshanduka pamumhu wake, ava nekatumbuzenene, twumakumbo twangoita twusoso twemupangara. Svotesai akakura achitoziva kuti Shingai ndewekurova asingadzoseri. Misikahwa yakaita sekumupisa nezvikuni zvaipfuta yaiitiwa paari. Hapana waitsiura mwana uyu kana zvakadai zvaitika. Shingai zvakamunetsa chaizvo kuti sei hupenyu hwake hwakanga hwashanduka kusvika pakuoma kudai. Izvi zvakaita kuti adzidze zvunhu zvakawanda zvaiitiwa nevarume vakuru iye achiri muduku kwazvo. Akadzidza kufura miseve akazvigona kwazvo. Kumafuro kwaaifudza mbudzi, akadzidza zvemutambo wetsiva kubva kuvakoma vakuru, avo vaigara vachimurova. Panguva yakasvika Shingai makore manomwe, zvunhu zvakanyanya kushata muhupenyu hwake. Marujata akanga asingachanyanyi kureva nhema kuti Shingai arohwe. Akanga oita zvekumutuma kwaNdove uko kwaiva chinhambo kubva pamba pavo. Aimutuma husiku nguva dzokudhla kwamanheru kuti awane zhira yokumunyima zvokudhla. Aigona kutumwa zvunhu zvakaita sekundovhunza kuti huku yambuya vaSvotesai tsvuku yakanga yatsotsonya here. Shingai aitoita saizvozvo nekuti kuregera kwaireva kurohwa zvikuru. Zviri zvokudhla, akanga asingachatoverengi kuti zvaitombowanikwa pamusha uyu. Akanga atodzidza zvekuvhima zvishuro achisasika ozodhla zvake akavanda. Paakafura mhembwe yake yokutanga, akati chiregai nditsvake dzvene ndipe mai vangu usavi uhu kuti pamwe vaizotanga kumupavo zvokudhla pamba apa. Hapana wakamutenda. Mhembwe yakangotogwa yakadaro ikaindisiwa kwaNdove. Shingai akahwa Marujata achiti, “Hameno kana isina kuwanikwa yakafa yoga mhembwe iyoyi, asi mudhle zvenyu.” Izvi zvaiudziwa hazvanzi yaMarujata yakanga ichiri mukomana wemakore airaudzira kugumi nematanhatu. Kubva apa, Shingai akaziva kuti zvaanenge avhima zvakanga zviri zvake, naizvozvo zvaitova nani kupa vanhu vaipota vachimupa zvokudhla pane kupa Marujata. Muvengi wake chaiye wakanga ava baba vake. Aiti akatarira mumeso mavo, aiona ropa chetechete. Kuti zvaibva kupi, mukomana haana kuziva. Hapana waimunyeurira kuti sei baba vake vaimuvenga kudai. Ko zvakanga zvabvepiko veduwe? Chisina kuzihwa naShingai ndechichi. Muhupenyu mune vanhu vanozvipira kutsvaka zvunhu zvakavanda kana kuti zvunhu zvisinei navo. Kana vazviwana vanozvikanda mumhepo kuti vaya vanotapirigwa nemakuhwa vawane kuzvigamha, kana vazvigamha vobva vakushavo mbeu yacho. Vamwe vevanhu ava vakatarira Shingai achikura vakashaiwa chavaiti chakafanana paari nababa vake Chafunga. Nyaya iyi yakafamba chaizvo, vakawanda vachibvumirana kuti mbeu yaChafunga yakanga yapata zvekukurigwa neyaNyaradzo wekwaMusita. Asizve paiva nevaya vaiti vaiziva zvose. Avo vaiti Shingai wakanga asina kana kufanana nevekumadzisekuru ake ekwaMusita. Saka zvose izvi zvairevei? Shanduro yakazobva kuna mai vaMarujata. Mai Ndove avo vaihwanana kwazvo nemukadzi wepiri waMambo Zihwe uye vaigara vachiruvira kumunda kwake. Mumwe musi Mai Ndove vakavhunduka chaizvo pavakaona chikomana chaidhla sadza mumba memukadzi wamambo. Padokodoko vakakaruka vadanidzira vachiti, “Unobatei kuno iwe Shingi?” Vakazvidzora pavakaona kuti chikomana ichi chakanga chati kurei pana Shingai. Hapana kuzopera mazuva akawanda vanhu vemuDangadema vasati voimba gwuyo gwekuti Shingai waiva mwana waMambo Zihwe. Hazvaitaugwa pachena asi mumhepo zvakanga zvakazara. Marujata haana kunonoka kuudza Chafunga kuti acherechedze chiso chemwanakomana muduku waMambo wemukadzi wechipiri nechemwana wake Shingai. Paakazviona, Chafunga akatsvuka meso kuita seemhungu nehasha. Hope dzakaramba kumubata kwemazuva mazhinji. Akanetseka kuti sei Nyaradzo akanga asina kumuudza chokwadi nezve mwana uyu. Mumoyo make akatoti vaidanana chete Nyaradzo wacho naZihwe, uye vakanga vatoronga zvekumuita benzi rinorera gora mumusha maro. Zvaaiudziwa naNyaradzo wacho zvekuti, “He-e Mambo Zihwe andinyenga… He-e handimuoni zvakanaka…” Zvose zvaiva zvekumuvhara uso chete kuti asafungira kuti Nyaradzo yaitova tsvingudzi zvayo nhai? Chafunga akayeuka nguva yaakaudza Nyaradzo kuti ambodzokera kwaMusita kuti asasara oga pamba iye akaramba. Akatoti izvi zvunhu zvaiva zvarongwa nevaviri ava. Murume wakatsamwa zvikuru. Akapinda mudondo reMazivandadzoka akapedza mazuva achivhima arimo. Akadzoka bundu repahuro risina kuserera. Paakadzoka, haanavo kumboita mahwekwe naShingai wacho nekuti sanhu raigona kungoperera mumusoro wake. Sezvineivo, Mambo Zihwe akadana mauto kuti vandopedzisa kuvaka umwe muzinda wake waivakwa pedo negomo reKaturi. Chafunga akainda akangotsamwa. Aingohwa sekuti chero munhu aimuona aitomuseka nenyaya yekuchengeteswa mwana wemumwe murume. Hapana zvaaigona kuita kuna Zihwe asi kuna Shingai zvaivapo. Akafunga zvekuti auraye Shingai. Paaizodzokera kumusha aizoronga zvekupinda munaMazivandadzoka kuti andovhima. Vanhu vaizomuona achiinda nekuti aitozoindavo zuva rakacheka nyika. Aizoti kwapfuura mazuva matatu odzoka mumusha husiku. Aingozosvika achitora Shingai pasina anomuona omunyengera kuti ainde naye kundomudzidzisa kuvhima. Vachisvika mukati medondo, aingozomuponda omusungirira zihwe rinorema ozomukanda hake muzidziva rakanga rakazara nengwena. Ngozi hayaizomugona nekuti vadzimu vake vakanga vasingabvumi mutemo wakapata zvakadai, wekuchengeteswa mwana wemumwe murume. Ngozi yacho yaitozonanga kuna Zihwe nekuti ndiye akanga akonewa kuzvichengetera mwana wake. Mauto achivaka muzinda waMambo, shamwari yaChafunga yakakuvara pakawa nhungo dzeimwe imba yaivakwa ipapo. Akanzi adzokere zvake kundopora ari kumusha. Murume uyu achisvika kumusha akaudza baba vake VaChipadza nezvekutsamwa kwaChafunga nenyaya yaShingai. Akavaudza kuti Chafunga aiti akabatigwa nehope, otaura zvunhu zvakanga zvisingahwisisiki asi zvaiva nekuponda mukati. Chafunga haana kunge audza chero munhu zvezano rake asi vakanga vakasvunura vaizviona kuti paiva nemhepo yaitenderera pamurume uyu. VaChipadza semunhu wakanga abve zera vakakurumidza kuziva zvaiitika uye zvairongwa naChafunga. Semunhu mukuru vaiziva kuti mwana wakanga asina kana mhosva zvake. Mwana akanga asina waakanga akumbira kuti azvagwe naye, naizvozvo kuteura ropa rake chaive chinhu chakanga chakashata chaizvo. Izvi ndizvo zvezvimwe zvunhu zvaigona kusakisa kuti mvura iseme kunaya munzvimbo yavo kana kuti mhashu dzishanye dzichizoparadza zvirimwa zvose. Izvi zvose vaizvifunga mufungwa dzavo. Havana chero kuudza mwana wavo asi vakazvipira kuti varonge zvekunyangarisa Shingai kubva muDangadema. Vakati zvaiva nani kuti ropa rake riteugwe nezvikara zvemudondo pane kuti zviitwe nemugari wemudunhu iri. Nemusi waitiza Shingai, achiri mangwanani, VaChipadza vakanga varonga zvekuita mahwekwe naye achiinda nembudzi dzake kumafuro. Vakamubata ari oga asati abatane nevamwe vakomana. Harahwa yakatanga zvayo kutaura ichitamba nechikomana ichi ichitaura zvaichisekesa. Yakavhunza chikomana mivhunzo yakawanda nezvembudzi uye kuti akanga achiri kurangarira here kufamba kwavaimboita nababa vake Chafunga mazuva avaiinda kwanasekuru vake kwaMusita. Vakazoti pava paya, “E-e, chihwa muzukuru. Zvawadai watova murume mukuru. Hona nyika yose ino inoziva kuti kugara kwawakaita pamusha pababa vako uri parumananzombe chaipo. Uri kugara hupenyu hunohwisa vazhinji ngoni. Hon’o zvose zviri kuitika zvinokubetsera uye zvakakubetsera kuti ukwanise kukura iwe uchiri mwana muduku.” Chibako chakambotogwa harahwa ndokukweva mhino nhatu, ndokuzopedzisira yokwiza mhino noruoko ichikwevera fodhla mukati-kati memhino. Shingai akaramba akati nde-e kutarira VaChipadza achishaya kuti vaida kutaura kuti chii chaizvo. Akakanda rimwe ziso kumbudzi dzake akaona dzichiri pedo akazomirira kuti vaindirire mberi nezvavaitaura. VaChipadza vakazoti, “Zvino chihwa, uhwisise. Handina nguva yekuti ndikurondedzere zvose zvandinoziva pane zvehupenyu hwako asi ndapota zvangu mwanangu, mashoko andiri kukuudza pano mabatisise chaizvo, uye usaudza chero ani zvake. Ukasaita zvandavakutaurira pano, ziva kuti pako pakuperera. Saka zvaunofanira kuita ndezvizvi; kana vanhu vose vavata husiku hwanhasi, muka utore uta hwako pamwe nemvura yekumwa wobva wanyeruka pamba pababa vako. Kana waita izvi wofamba chaizvo zvekuti panobudira zuva unenge watodarika gwizi gunoganhura Dangadema neMusita, handiti unoguziva?” “Ndinoguziva chaizvo,” Shingai akapindura. “Ukafamba chaizvo zuva rinosara kuzovira wavapamba pasekuru vako. Wasvika ikoko unongovaudza kuti hauchadzokeri kuno. Ukangodaro chete, unotanga hupenyu hwako hwakanaka. Vakakuvhunza kuti sei usina kuinda kwavatete vako Mai Shamiso unovaudza kuti pane harahwa yakuudza kuti, ‘Rugare gwako guri kune rukuvhute gwako,’ unohwa?” Kumeso kwaShingai hakuna kushanduka nemashoko awa. Aingova madimikira ogaoga kwaari. Paakada kuti avhunze akagarigwa nemamwe mashoko. “Ndinoziva kuti zvandataura izvi zvinonetsa kuti uzive kuti zvinorevei asi nerimwe zuva uchazviziva hako. Zvino chibata hana nekuti zvondokuudza iyezvino hazvina kufanira kuhwikwa nezheve dzako nekuti uchiri pwere chaiyo. Ndinotongokuudza nekuti hapana imwe zhira uye uri mukomana akangwara akasimba. Baba vako Chafunga vane fungwa isina kunaka newe. Hapana anoziva kuti nemhaka yei, asi vari kuronga zvekukuponda. Iwe unozviziva kuti pamba pababa vako hausi kudikwa zvachose, saka ndapota mwanangu, kana vanhu vose vangovata, pinda muzhira. Ndinotenda chose kuti unozvikwanisa izvi.” VaChipadza vakamuruka vakatanga kufamba. Shingai wakamira kwechinguva akangoshama muromo. Ivo havana kumbozocheuka kana. Shingai wakamira kwenguva refu asingazivi zvekuita, chero kufunga. Pakasvika vamwe vakomana, akangoti aiva asingahwi zvakanaka musi uyu naizvozvo zvekutamba akanga asingadi. Kumafuro akagara pamusoro pechuru akangobatira shaya mumaoko. Pazvunhu zvakataugwa naVaChipadza pane zvakanga zvanyatsa kuba fungwa dzake. Zvekuurawa kwake nababa vake zvakanga zvatosara pasi sezvisina basa. Chakanyanya kubata fungwa dzake itarisiro yekundogara nambuya vake kwaMusita. Ko akanga asina kumbofunga zvunhu zvakadai sei? Akayeuka mazuva mashoma paakambogarako. Muhupenyu hwake akanga amboinda kwaMusita runokwana rutatu. Kekutanga akanga achiri muduku chaizvo. Kechipiri vanambuya vake vakanga vambokumbira kumuona. Kechitatu akanga ainda nababa vake vachindomuratidza guva ramai vake Nyaradzo. Nguva idzi Chafunga akanga atanga kumuvenga nekumurova posepose. Akambosiiwa ariko kwemwedzi wose baba vake vakazomutevera. Chaimunakidza pafungwa yekwaMusita ndechekuti pose paaiindako airarama hupenyu hwemwana wamambo chaihwo. Aipuhwa zvose zvaaida uye vanhu vose chero vavakidzani vaimufarira zvikuru. Izvi zvakanga zvakasiyana nehupenyu hwake kumba kwababa vake uko kwaaigara senhapwa. Nechemumoyo, mukomana akafarira VaChipadza chaizvo. Zvekugarira kuurawa nababa vake akabva azviramba. Zuva rakamunonokera kuvira musi uyu. Achiri masikati, zvunhu zvose zvaiita nyore kwaari. Zhira aiiziva uye kwa Musita kwakanga kusingarashi. Fungwa dzake dzose dzakambodzima paakanga odarika muganhu wekwaigara vanhu nekumakura. Nzvimbo iyi yaithlisa chaizvo, zvekuti chero varume vakuru vakanga vasingaijairi. Zvainzi varoyi vose vemuDangadema vaiita misangano yavo panzvimbo iyi. Vamwe vavhimi vaiti magoritoto aipota achirovana zvisingabviri munzvimbo iyi uye ndipo paitangiravo jinga reMazivandadzoka. Vhudzi rake rakamira asi iye haana kumira kufamba. Aingohwa muviri wake wose uchiita sewaibaiwa-baiwa nemeso evaroyi nezvikara zvavo. Ko hino varoyi ava vaisazoudza baba vake here kuti akanga ainda nezhira yekwaMusita? Izvi zvakamunetsa. Zvimwe zvitsiga zvaiita sezvaida kumhanya zvichiinda kwaari asi zvozoramba zvakamira kana azvitarira. Zvainetsa kuti azive kuti chitsiga ndechipi kana kuti chidhoma ndechipi. Vaitaura vaiti zvidhoma zvinogona kushanduka kuva zvitsiga kana zvikaona kuti zvaonekwa. Shingai wakatanga kudemba kuti fungwa dzakapata kudai akanga adzibvuma sei chaizvo. Akazvituka kwenguva refu asi akazomira atoona kuti akanga atopfuura nzvimbo yaainyanyisa kuthla yacho. Chero vhudzi rake rakanga ratodzikama. Pamwe musi uyu magoritoto akanga ambozorora zvekugwa uye varoyi vakanga vatopinda mumisha kuti vabate basa ravo kusati kwayedza. Pari zvino akanga asvunurira zvikara zvemudondo chero hake aifambira muzhira chaimo. Aizviziva kuti zvimwe zvikara zvaibuda munaMazivandadzoka zvichitsvakavo twumwe twupuka twaifarira kugara pedo nevanhu. Utonga hwotsvuka Shingai akaita seakaona mhuka kana kuti zvunhu zvaifamba zvakananga kwaari. Akamira akaita semumhu waoma nechando apa zvunhu zvichiqhwedera kwaari. Akazohwa sekutaura kwevanhu asi panguva imwe chete iyoyo, mahwi zvose nemimvuri yezvunhu yakabva yanyangarika. Shingai wakaramba akamira asingachazivi zvokuita. Fungwa dzakamhanya kuti akanga azochisongana nevaroyi vaya zvino. Kuti odini, wakashaiwa zvokuita. Akazofunga zvokutsauka kuti anyenyeredze pakanga panyangarikira zvunhu. Akafamba zvinyoronyoro asingadi kuhwikwa achiinda nedivi rekurudhli kwake. Apa aingokwenya mhino kuti zvunhu zvakanga zvisina kumuona. Uqhwa hwakanga hwakaoma uye hwakareba panzvimbo iyi. Izvi zvakaita kuti Shingai ave akavanzika. Kuzhe kwakanga koyedza, naizvozvo kuchena kwakanga kouyavo. Izvi zvakafadza Shingai nekuti aiziva kuti varoyi havaizoda kuonekwa vakashama saka chero vaizomuona achifamba oga, vaimusiya akadaro. Kana dzaiva mhuka dzaizongoita madiro naye. Arimubishi rekufunga izvi akakaruka aona mauto achimuruka akamukomba nguva imwe chete achidzvova zvinomutinhira mamwe achiridza miridzo meso akanzi dhe-e pazhe. Apa mapfumo aipinza akanga akanangiswa muviri wake wose. Shingai haana zvaakazoona zvakaitika nekuti akanga atooma zvake saka akangowira pasi akadaro. Paakazomuka akaona kuzhe kwatonyanya kuchena. Akaona mauto mapfumbamwe atovesa moto vachitodziya zvavo. Mauto akaseka chaizvo vachiona kushamisika nekurashika kwakanga kwaita Shingai. Umwe wavo ndiye akati, “Nhaiwe mwana waChafunga, unobatei kure nekumusha kwakadai uri woga husiku hwakadai. Unoshura here iwe?” Shingai wakashaya mhinduro. VaChipadza havana kunge vamuudza kuti kana zvakadai zvaitika aizotaura kuti kudii. “Ko hauchagoni chero nekutaura?” akadaro umwevo wemauto, vamwe vake vachibva vaputika nekuseka. Shingai akahwa zvihasha zvichiuya nekusekwa kwaiita nemauto awa. VaChipadza vakanga vati iye akanga atova munhu mukuru uye aigona kuzvimirira pakawanda naizvozvo akazokasira kufunga zvokutaura. Shingai akazotaura achiti iye akanga achivhima saka akanga asina kuona kuti akanga ainda kure nemisha. Mauto akaseka zvakare. Mauto awa akanga akazora zvaiita semazimbe matematema kudivi rerudhli remuviri yavo yose. Kudivi reruboshwe rekumeso kwaiva norudzi ruchena kubva pashaya zvichidzira kuchirebvu. Iri raiva boka remauto anaChafunga. Kuna Shingai zvaireva kuti baba vake vaiva muzhira kana kuti vakanga vatosvika kumba husiku hwaakanga atiza. Mauto awa akanga asingambotereri zvaitaugwa naShingai saka mukuru wavo akangozomuti, “Hatichifambai tichidzokera kumusha chikomana.” Shingai akambozama kuti ati vamurege nokuti aiziva kudzokera oga kumba asi ivo vakati havaizoita mapenzi ekurega mwana mudoko ari oga mudondo rakadai. Vakati vaizozvitaura vachiti kudii kana iye aizodhliwa nezvikara. Haanavo hake kumboronga zvekutiza nekuti aiziva kuti haaimbokanda kana nhambwe nhatu chaidzo mauto asina kumubata. Akatongozviona kuti akanga oinda kundourawa zvake nababa vake. Gwendo gwekudzokera kumusha gwakaremera Shingai. VaChipadza vakanga vamuudza kuti baba vake Chafunga vaironga zvekuzomuuraya asi mafiro aaizoita ndiwo aakanga asingazivi. Vakanga vasina kumubudira pachena. Izvi zvakaita kuti afunge mafiro aakamboona achiitwa nemhuka dzaakanga ambouraya iye uye dzimwe dzaaiona dzichiurawa dzakaita sen’ombe. Izvi zvaiwedzera kumuvhundusa. Baba vake vaigara nerimwe zibanga ziguru raipinza chaizvo. Banga iri raigara rakapfekegwa mumbariro yepazasi yemuhozi mavo. Iri ndiro raaingoona richimupaza musoro. Mauto airatidza kuti akanga asina kumbofungira kuti Shingai waiva pakati pekutiza panguva dzavakamubata. Vanenge vakanga vangofunga zvavo kuti aitaura chokwadi pane zvekuvhima. Vaitotaura zvavo dzimwe nyaya dzavo uku Shingai achifa nezhira dzakasiyana-siyana mufungwa dzake. Vakambozorora apo zuva parakanga rorova panhongonya vachigocha nyama yemhara yavakanga vabaya ichimwa mvura. Shingai nemauto vakasvika mumisha yokutanga zuva rarereka asi kuchapisa. Mauto achiona pamusha paiva nedoro nevamwe varume vemumisha vakabva vangotsaukira ipapo. Mumwe wavo ndiye akangoti kuna Shingai, “Chimhanya kumba kusati kwasviba chikomana. Baba vako vanofanira kuva vasvika kare nechikwata changa chiri mberi kwedu. Uvaudze kuti kwanzi naHasha ‘Ndinosvika pamukova pavo mangwana kumasikati uko wazvihwa?’” Shingai akati, “Zvakanakai baba,” ndokukasira kufamba akananga kumba. Haana kucheuka kusvika ava mberi chaizvo. Muromo wake wakanga wangoshama zvino asati ahwisisa kuti chii chakanga chaitika. Ziso rake rakatanga kufurira kumusoro risingamiri. Nechemumoyo akangoti, “Inga midzimu yangu yandipa ruviri chokwadi.” Achingosvika kwaakanga asingachaoni pamusha uya paiva nedoro akabva angotsauka kubva muzhira achipinda mudondo. Akatanga kuvanga chaizvo achipinda mukati medondo asi achinanga kwaMusita. Nguva dzino kuthla kwakanga kwanyangarika. Aida kungoinda kure nemisha chaizvo. Wakaramba achimhanya kusvika zuva ranyura. Gomo raaishandisa kuti rimuratidze kwaaiinda rakanga risingachanatsi kuonekwa asi wakaramba achimhanya achiinda mberi. Hapana wakamutevera kana kuti zvimwe aivapo asi kuti akanga atevera ari muzhira yekuinda kwaMusita, naizvozvo hapana akanga amuona. Rima richikora, kuthla kwakatanga kudzoka. Pari zvino misha yakanga yasara kure chaizvo. Akatombomira, akaterera kuti ahwe chero mbwa dzaihukura dziri kumusha akasadzihwa. Varoyi nezvidhoma vakanga vasingatambiri kuno. Kuno kwaiva nevaridzi vako; vanashumba nezvimwevo zvikara zvemudondo. Kana pane munhu aida kumutevera, aizotanga apedzerana nezvikara izvi asati amubata. Kunyara kwakauyavo asi Shingai wakazviona kuti akatevedzera zvemuviri wake izvozvo aizongobatiwa akazorora achibva adigwa zibanga riya. Izvi zvakaita kuti arambe achifamba. Nyeredzi uye gwara reVarozvi zvaionekwa mudenga zvaimubatsira kuti azive kwaakanga akananga. Mvura yake yaimubetsera kupedza nyota nekuti waifambisa chaizvo. Paakapfuura nepane chimwe chikova akazadzisa guchu rake akaindirira mberi negwendo gwake. Achifamba kudai akazohwa shoka dzorema uye kufamba koti netsei nokuda kwemahwe akanga awanda. Nzvimbo yaakanga ava akanga asina kumboisvika zvachose. Akagara pasi perimwe zihwe ziguru kuti ambotura befu. Akatsamhira pazihwe iri akabva atanga kusekerera ari oga. Haana kuzotora nguva refu hope dzikabva dzangomubavo. Shingai haana kuziva kuti akanga avata kwenguva yakareba zvakadii asi akazongomuka ohwa chimhepo chaitonhora zviri kure. Kwakanga kuchakasviba uye hweva yakanga isati yabuda. Mukomana akangozamura kwakutanga kufamba. Panguva dzino akanga asingachafambisi nekuti aida kutanga aoona kana kwachena kuti akanga ari papi. Aiziva kuti akanga ari mujinga reMazivandadzoka asi aida kuona kuti kwaMusita kwakanga kwava kure zvakadii. Kana zuva rakamirigwa rinobva raita husimbe. Mukomana akati achatarira kuMabvazuva kwacho asi waingoona rima roga. Wakaramba achifamba zvake achingoti richabuda chete. Zvechokwadivo chero rikaita husimbe hwakadii, kubuda rinotongozobuda chete. Utonga hwakatsvuka, shiri dzikatanga kusheedzerana nemahwi akasiyana-siyana. Pakarira hanga zuva rakanga ratsvuka richibuda. Zuva rakabudira kurutivi gwakanga gwusina kujairigwa naShingai. Zvisinei akaona kuti aiva mukati mezvikomo zvakawanda-wanda. Gomo rake raaiziva rakanga risingaonekwi. Akakwira pamusoro pechimwe chikomo kuti anatse kuona kuti gomo rake raiva papi asi wakarishayiwa. Izvi hazvina kana kumuvhundusa. Zhira yake yaiva pedo. Zuva rakanga rabudira parutivi, naizvozvo iye aingozonanga kwaiziva kuti ndiko kwaiva kwaMusita. Akatanga kufamba zvakare. Chimushana chemangwanani chakamurova zvihope zvikati tiri tose. Akavata zvake pamumvuri akati aizomuka osimudzira negwendo gwake. Achimuka akatanga kufamba. Zuva rakanga risingakwanisi kumuratidza gwara rakanaka nekuti akanga ava masikati chaiwo, naizvozvo akangofamba achiti dzimwe nguva onzvenga matenhere aiva mberi kwake, dzimwe nguva ofamba akananga kwaaifunga kuti ndiko kwaiva nezhira yaifamba vanhu. Akatanga kufambisa nekuti zuva rakanga roda kunyura zvakare asati anatsa kuona kuti gwara rake rakanga rakamira sei. Chakanga choita sekumuvhundusa ndechekuti haana paakanga avambuka Mukukurajecha, gwizi guya gwaivambukwa kana munhu oda kusvika kwaMusita achibva kuDangadema. Shingai wakanga afamba chaizvo zvekuti zuva raifanira kuvira apinda maMusita. Nyoka dzemudumbu make dzakatanga kugunun’una nekushaiwa chekutsenga asi iye akangoti aizondodhla raibikwa nambuya vake manheru iwawo, saka akaramba achifambisa chaizvo. Zuva rakavira chikomana chikatanga kuthla. Kuti akanga arashika? Kwete, haana kufunga seizvozvo. Kufamba mudondo kunosiyana nemunhu anofamba muzhira. Mudondo munoita kure. Akatanga kumhanya asi akakurumidza kufamba zvakare paakagumbugwa nemudzi wemumwe muti. Imwe fungwa yakangobvavo nekwayo yakamufungidza kuti zvimwe akanga asvika kwaiitira varoyi vekwaMusita misangano yavo saka vaigona kuzomudzivaidza kuti asasvika kumba kwambuya vake. Fungwa iyi haina kumuvhundusa seyokuti, ko kana akanga ari kurashikira munaMazivandadzoka aizodii. Achifunga izvi akabva amira kuti twi, akaterera. Kuzhe kwakanga kwakati zii. Haana chaakahwa chakamuzivisa kuti akanga ari papi zvino. Akatsvaga pekuzorora ari, hope dzikaramba kubata. Apa akanga ochithla zvikuru zvino. Akatanga kuchema achizvishora kuti akanga arashika sei chaizvo. Zhara yaivapo asi yakanga isina basa panguva dzino. Aizoona zvokuita kana mangwana asvika. Mangwana akasvika, Shingai akashamisika achimuka. Haana kuziva kuti akanga abiwa nehope nguva dzipi. Akafara kuti akamuka ari mupenyu chete. Nguva dzino akanga ari mukati memiti yakawanda zvekuti akanga asingaoni kuti dzaitangira papi uye dzichipererepi. Akakwira mune mumwe muti asi hapana kwaigona kuona kuti onanga nekupi. Akati zano kungofamba achiinda chero kwaakananga. Paakaona ndove yezhou yaiva nyoro ndipo paakaziva kuti akanga apinda mukati medondo raithliwa chero nemauto makuru. Vavhimi vaitopindamo vari zvikwata uye vaifamba nembwa dzavo dzaiziva kudzokera kumba pasina kurashika. Shingai akayeuka vavhimi vaigara vachitaura kuti munaMazivandadzoka maiva nechadzimira chakanga chakashata. Vazhinji vaitenderedzwa misoro nacho. Kwaiva nevanhu vakawanda vainzi vakanyangarikira mudondo iri. Izvi zvaireva kuti kana aisaita rombo rakanaka, Shingai waizopedzisira aitwa husavi nemhuka. Izvi zvakamugwadza chaizvo. Achinetseka kudai, akaona mhembwe akaibaya nemuseve ikafira ipapo. Akasika moto wake nezvitanda, akagocha imwe nyama imwe akabva aisasika pamoto uyu. Nyama zhinji yaiva nemagodo akangoisiya iri ipapo. Zvimukuyu akazviisa munhava yake akatanga kungofamba achiinda kwaakanga asingazivi. Zuva rakavira, rikabuda rikasvika pakuvira zvakare Shingai asati aoona kana chinhu chairatidza kuti pane misha yaiva pedo. Panguva dzino akanga ofunga kuti chero kuurawa nababa vake kwaiva nani pane kungombeya nedondo asingazivi kwaaiinda. Chainetsa ndechekuti chero kumusha kwake kwaakanga atiza akanga asingachazivi kuti nyangwe aida kudzokerako aizofamba sei. Aiti akaona pane mvura yakaungana ozadza guchu rake asi okurumidza kubvapo nekuti aiziva kuti mhuka dzakawanda dzaisvika napo kana zuva roda kundovira kuti dzimwe mvura.

3 thoughts on “Mazai eMheni Chitsauko 5
  1. +AF8AXwBf-123+AF8AXwBf-Mazai eMheni Chitsauko 5 +IBM Daniel Mutendi+AF8AXwBf-123+AF8AXwBf-

  2. +AF8AXwBf-123+AF8AXwBf-Mazai eMheni Chitsauko 5 +IBM Daniel Mutendi+AF8AXwBf-123+AF8AXwBf-

Leave a Reply