Mazai eMheni Chitsauko 4

Pamusha paChafunga paiva nedzimba mbiri, tsapi imwe nechirugu chehuku. Pakanga pasina danga ren’ombe nekuti akanga asina n’ombe dzacho. Chero mbudzi chaidzo akanga asati ava nadzo. Dzimba mbiri dzaiva nechepakati peruvazhe, sure kwehozi ndiko kwaiva netsapi. Dzimba dzake dzakanga dzakatarira kumavirira zvekuti pairereka zuva kuti richinyura, raitombozara mudzimba idzi kana mikova yakashama. Pamusha pakanga pakachena chaizvo, dzimba dzichiyevedza kutarira nokuda kwemavara machena nematsvuku adzaiva dzakadzugwa nawo naNyaradzo.
Chafunga akamira akatarisa musha wake asi asati atsika muruvazhe. Akamira kwechinhambo akangotarira. Umwe moyo waiti, “Svika,” umwe uchiti, “Unozozvigona here?” Uku ndiko kwaiva kwekutanga kwake kusvika pamusha pake kubva zvaakanga abva kundochengeta mudzimai wake kwaMusita. Akanga ambopedza mazuva akawanda achigara kwaNyaya, mukoma wake, kunova ndiko kwaakasvikira achibva kunhamo. Zvakanga zvamubetsera kuti azorodze fungwa dzake achivaraidzana nemukoma wake. Mwana wake akanga auya naye kubva kwaMusita asi zvakanga zvarongwa kuti aizombochengetwa naRudo, munin’ina waNyaradzo asi vachigara havo kwavatete Mai Shamiso. Chafunga aipota achindoona mwana wake zuva nezuva kwaMai Shamiso. Nguva yafamba, murume akaona zvisingachaiti kuramba ari pamba pemukoma wake. Izvi akanga ambohwa maiguru vake vachinyunyuta kumurume wavo vachiti,
“Bamunini vanononoka kumuka nguva dzose.” Mukoma wake aitsinhira zvaitaugwa nemukadzi wake asi haana kumbozvitaura kunaChafunga. Chafunga akanga angoita zvekuhwa vanhu vachitaura havo vari mumba mavo. Izvi zvakamushingisa kuti aronge zvekuinda kumana kwake. Ko aigozosvika riini murume mukuru achigara pamba pemumwe murume? Paakaudza Nyaya nemudzimai wake kuti akanga ava kuda kuinda kumba kwake havana kumbozama kumurambidza kana kumunonosa. Vakangomuudza kuti kana pane zvaaida kuzokumbira zvekushandisa, akanga akasununguka kuzovakumbira.
Chafunga akaramba akamira akatarira musha wake. Akatanga kuona Nyaradzo achifamba achigara pamumvuri weimba yekubikira. Nyaradzo aingoita seaipuruzvira dumbu rake rakanga rakura. Aingoona Nyaradzo achisekerera chaizvo kwaari. Akaramba achiona izvi kusvika azoona mbwa dzake mbiri Zvanyadza naSemai dzichimhanya dzichiuuya kwaari dzichitsvikidza nekumurova-rova makumbo nemiqhwe yadzo. Dzakamuurukira nemufaro iye akadzibhabhadzira. Panguva iyi ndipo paakayeuka kuti mbwa dzake dzakasara dzoga dzakachengeta musha wake. Aiziva hake kuti zviri zvekudhla kwadzo, dzaingondovhima zvishuro dziri dzoga kumakura. Akazotarira paakanga amboona Nyaradzo asi pakanga pasisina munhu. Akaona kuti akanga atozara misodzi yaiyerera kusvika muhuro. Akapukuta misodzi akazviyeuchidza kuti aiva uto saka hapana chaizomuwana, naizvozvo akafamba achisvika pamusha pake.
Mazuva awa akamboomera Chafunga zvakasimba. Zvekuzvibikira zvainetsa saka aipota achiinda kushamwari dzake achindokwata. Mazuva mazhinji aidhla paaiinda kundoona mwana wake kwavatete Mai Shamiso. Uku ndiko kwaaipota achiindisa nyama yemhuka kana abva kundovhima nevamwe vake.
Mwana akakura zvakanaka akasimba. Izvi zvakashamisa vakawanda nekuti mazuva ekutanga ake airarama nemukaka wembudzi. Gwirikwiti rakanga rambomuzama asi rakamukonewa. Vazhinji vaifunga kuti haimbozogona kurikunda. Nyaradzo akanga asiya atumidza mwana zita rekuti Shingai. Iye Shingai wacho akava munhu wekushingavo chaizvo. Akanga asingachemi-chemi uye airatidza kuva nenharo chero aiva achiri muduku kudaro. Mai vake vakava Rudo. Vanhu vakawanda vaitofunga kuti Rudo ndiye aizomutsa maphihwa avakoma vake asi hazvina kuita saizvozvo. Kwete kuti Chafunga akaramba asi kuti musi waakada kutamba chiramu chakadzika, Rudo akamuudza kuti akanga asingadi mashiripiti akadaro. Rudo akati aiva nemukomana wake kwaMusita waaidisa samare uye aiva nezvunhu zvake zvakakwana. Akaudza Chafunga kuti akanga asingadi zvekufa nezhara achiroogwa nechiuto chaZihwe. Akamuudza kuti kana aizvizama zvakare aizosara ozvichengetera mwana wake oga. Izvi zvinova zvakadzikamisa Chafunga.
Hakuna kuzoperavo nguva yakareba Rudo achiri kuchengeta Shingai. Pakupera kwemazuva gumi nematatu izvi zvaitika, mukomana wake akauya kuzomuona kubva kwaMusita. Ramangwana racho vakafuma vakatizisana. Shingai akatambura chaizvo nokushaya mai vake. Vatete Mai Shamiso ndivo vakasara vachimuchengeta. Kazhinji mwana anokurumidza kuita seakangamwa zvunhu zvakadai asi Shingai akaramba achiratidza kushushikana kwazvo nekushaya mai vake. Apa akanga ava negore rimwe nemwedzi minomwe. Chafunga akawedzera nhambo yekutamba nemwana wake. Shingai aifara chaizvo nguva dzose paaiona baba vake. Vaiita zvekutozomunzvenga kana vodzokera kumba kwavo.
Pamba pavatete Mai Shamiso pakatanga kuwanda mhandara nemvana dzaiuya kuzotsvaka kuruvira kana kungozovhunza mivhunzo kuna Mai Shamiso, mivhunzo dzavaigona kuvhunza kune vamwe vakadzi. Vatete vakaziva havo zvaitsvakwa nemhandara nemvana idzi. Mazuva awa vakawana vanhu vaizvipira kuvabetsera mabasa akawanda-wanda. Zvekutsime, kutsvaira paruvazhe chero kusakura mumunda mavo vakatombozvizorora. Pamba pavo pakanga pongodhliwa sadza reduure chete nekuti vaqhwi vaisava venhamo. Shingai akatanga kudiwa nevasikana vakawanda vachimugezesa nekutamba naye.
Pavasikana vaiuya vose ava, pane imwe tsikombi yakafadza Chafunga chaizvo. Tsikombi iyi yainzi Marujata, mwana waNdove. Marujata aiva musikana akanga abve zera kwazvo. Waiva musikana murefu aiva nemaziso makuru aiva akachena semukaka. Waiva nerusaka pakati pemeno ake ekumusoro asi rusaka ugwu gwainetsa kuona, kuzhe kwenguva dzaaitamba naShingai. Hwi rake rakanga rakati korei kudarika revasikana vazhinji. Nemazuva ake ohumhandara, Marujata aizihwa nekudada uye kuramba vakomana. Akanga aita mbiri seyaNyaradzo asi iye akanga azoita munyama wekuti vakomana vakazokaruka vaita sevakanga varangana, vakamusiya akadero panguva imwe. Majaya haana kuzoda kuramba vachiverengwa pane vakanga varambwa naMarujata. Nguva yakafamba, vazhinji vezera rake vakaroogwa vakaita mhuri dzavo iye achiri oga. Hazvinavo kubetsera kuti shoko rakanga rafamba richiti Marujata waiva akagagwa neshavi rezitete rekwavo, hazvanzi yasekuru vasekuru, baba vababa vake avo vainzi vakafa vasina kuroogwa. Vainzi zveimba zvakanga zvaramba nekuti vaidhla vana vaduku, naizvozvo kana vaizoroogwa, vaingozopedza vana vavo vose vachidhla dzichipwere.
Chafunga haana kuzoona kana kuterera zvose izvi nekuti akanga afadzwa nekuwirirana kwaiita Marujata naShingai. Kwaari, hakunazve munhu aizogona kuchengeta mwana wake saMarujata. Chafunga paakasvitsa shoko kwaari, Marujata haana kunonoka kubvuma chero hazvo akavanda achiti shungu dzake dzaiva dzekuona Shingai achifara uye kuti akure ari mumba mune vabereki vose. Zviri zvefuma, vabereki vaMarujata havana kutombonetsa. Vakangoudza mukwambo wavo kuti aizogadzirisa nekufamba kwenguva. Mai vaMarujata vaingofara kuti chituko chavaihwa mumhepo chichibva kumadzimai akawanda chaiva chekusaroogwa kwemwana wavo musikana mukuru. Vakati vadzimu vavo vakanga vadavira chichemo chavo nehwi guru kwazvo. Vamwe vanhu vazhinji vaiona havo vari kure ndivo vakangoti,
“Shiri yatsika pahurimbo iyo!”

Leave a Reply