Chafunga aiva murume akanga anemakore makumi maviri ane mana kubva kuberekwa kwake. Aigara kuDangadema, nyika yaMambo Zihwe uye aiva uto ramambo uyu. Akanga aona Nyaradzo rimwe remazuva apo Nyaradzo paakanga ainda kuDangadema kubva kwaMusita. Nyaradzo akanga ainda kundovhakachira vatete vake vaiva vakaroogwa kuDangadema. Panguva iyi, Nyaradzo aiva nemakore gumi nematanhatu kubva achiberekwa. Chero hazvo vaviri ava vakadanana kubva musi wavakatanga kuonana, zvakazotora mazhezha maviri kuti Nyaradzo azobvuma kudanana naye uye kuti Chafunga andobvisa fuma kuvaera Shumba vekwaMusita.
Nyaradzo aiva musikana akanga akavakwa zvakanaka chose. Aiva musikana murefu waidiwa nevose, majaya nevarume vakuru, kunyanya vemaMusita. Vazhinji vaimuda chose asi mwana wairamba varume iyeye. Vabereki vake vaigara vakapihwa zvipo nevarume vakawanda vaishuvira kumuroora. Vakawanda vakazogumbuka pavakahwa kuti Nyaradzo akanga atogwa nevaeraShoko, veDangadema.
Chafunga, sekuru vake nemukoma wake, hazvanzi yamai vake, ndivo vakainda kundobvisa fuma. Pasina mazuva akawanda, mutambo wechimandamanda wakaitiwa Nyaradzo akazoperekwa musure maizvozvo. Mwenga wakapemberegwa pamusha pemukoma waChafunga, sezvo baba vavo vakanga vasisipo. Vanhu vakakorokotedza Chafunga pamusoro pekuwana musikana aidiwa nevazhinji. Zvose izvi zvakaitiwa asi hazvina kufadza Mambo Zihwe.
Mambo Zihwe waiva murume aithliwa zvikuru munyika yose yeDangadema. Murume uyu waitonga zvaigwadza pakuti zvose zvaaida iye ndozvaiitika, zvisinei kuti zvaifadza ani kana kugumbura ani. Hakuna waipikisana neshoko kana rabva kwaari. Mutongo wake kune vaaisafara navo waiwanza kuva wedongo kana kuti rufu chaigo. Hutsinye hwake hwakanga hwakawanda chaizvo. Pavakadzi vake vatatu vaaiva navo, vose hapana akanga abvuma kuroogwa naye nemoyo wake wose, asi kuti vakanga vatoita zvekumanikidziwa nevabereki vavo kuti vangobvuma kuroogwa chete namambo. Vagari vemuDangadema vaigwadziwa nekuti baba vaZihwe pavakanga vari mambo, vasati vafa, vaivavo nehutsinye hwakangoita sehwemwana wavo. Izvi zvaireva kuti nhamo yavo yekushaya mufudzi ane rudo nevanhu vake yaizoindirira mberi kwemamwe makore akawanda kana vadzimu vake Zihwe vaizomutendera kuti ararame kwenguva refu. Zvaivagwadza nekuti nyika dzaiva dzakavapoterera dzaiva nerugare, dzichitongwa nemadzimambo aiva nehungwaru uye moyo yakanaka.
Zihwe aiva murume akanga akasimba chaizvo zvekuti chero kuhondo aitotungamirira mauto ake ari kumberi chaiko. Aizvivimba chaizvo panyaya dzekugwa. Vazhinji vaiti aiva nemangoromera kana asvika pakugwa. Aiva nezivanga padama rake rekuruboshwe raakanga awana achiri mujaya paakanga ambopinda mune rimwe dzivo guru chaizvo. Chero aiva nezivanga iri kumeso, akanga asina hake kushata pauso hwake. Vamwe vakadzi vakawanda vaitomuyemura pakuvakwa kwemuviri wake.
Mazuva akashanya Nyaradzo kuDangadema kekutanga, Mambo Zihwe akahwavo nezvemusikana akanga akanaka zvaishamisa. Akamuona, moyo wake ukamuchivavo zvomene. Akabva aronga zvekuti atore Nyaradzo kuti ave mukadzi wake. Dai Nyaradzo wacho aiva mugari wemuDangadema, Zihwe angadai akangoraira chete kuti zviitike, uye izvo zvaitozoitikavo. Zvisinei Mambo Zihwe akathla kuti aite zvokutora musikana uyu neganyabvu, sezvo zvaizogona kukonzeresa kuti paite hondo naMambo Musita wekwaMusita. Panguva idzi Zihwe akanga achangobva kuhondo nedzimwe nyika mbiri dzekuMabvazuva kweDangadema, saka aida kumbozorora zvehondo, asi kwete kuti aithla kukundwa naMusita. Afunga izvi, akazorongavo zvekuti aite zvekungokandavo shoko kuti zvimwe Nyaradzo aigona kuzongobvumavo.
Kuna Nyaradzo, varume vose vakanga vakafanana. Mai vake vakanga vakamuudza kuti varume kwavo vaiva vashoma saka aifanira kutora nguva yake achidzidza kana paine aiva amutosvora. Naizvozvo musikana uyu akaramba majaya nevarume vemuDangadema zvakaita mukurumbira. Vanhu vaizevezeravo kuti chero mambo akanga audzwa kuti achengetere moyo wake madzimai matatu aiva kumuzinda wake. Nyaradzo wakaramba vanhu kuita seuyu riya rinonaka rinoti nyangwe rikarohwa nemhonja yakaita sei, haridonhi kubva pana mai varo uye rinotozosvika pakutsemuka asi risingaregedzi pana mai varo.
Chafunga akaramba akashinga. Moyo wake waimuudza kuti musikana akanga amuda. KwaMusita akanga ava kungokuita sepedopedo zvekuti akanga asinganonoki kusvikako. Mazuva ekutanga aingofambira hake mbizi yakaora nekuti Nyaradzo waitsenga mvura zvaigwadza. Airamba zvake kuonekwa achiti siye dzake kana kuti nzara dzake dzaigwadza, naizvozvo aisakwanisa kufamba kuti andoonekwa naChafunga. Chafunga aingovimba nekuti paaitarisana naNyaradzo mboni nemboni, aikwanisa kurava zvaiva mumoyo wemusikana uyu. Aiona rudo gwakazara kwazvo. Akaramba akatsunga kusvika musikana azobvuma.
Vazukuru vaMambo Zihwe vaimuudza zvose zvaiitika izvi. Zvakamushamisa uye kumutsamwisa kuti Nyaradzo akamuramba sei achisvika pakuzodanana neuto rake raiva risina zvaraiva nazvo. Zviri zven’ombe, Chafunga aiita zvekutamburira. Aitobetsegwa nemukoma wake kana nguva yekurima yasvika. Aimirira kuti mukoma wake apedze kushandisa zvipfuwo zvake, iye ozokumbiravo. Izvi zvaiita kuti mbeswa dzake dzigare dziri sure kwedzevamwe vemunharaunda make. Ko vabereki vaNyaradzo vakarega musikana aigona kuvaunzira fuma yakawanda chaizvo achitogwa nemunhu akanga asina danga sei? Paairamba achifunga izvi, Mambo Zihwe airamba achizvidhla moyo. Akasvika pakutoshaya hope nenyaya iyoyi asi chokuita ndochaakashaya.
Kudiwa kwakaitwa Nyaradzo nemajaya nevarume vakuru vemuDangadema hakunavo kugashigwa zvakanaka nevamwe vasikana vemudunhu iri. Paakaperekwa akasiiwa muDangadema, godo rakamuruka pakati pevakadzi nevasikana vakawanda. Izvi zvakaita kuti Nyaradzo wacho anonoke kuwana shamwari munzvimbo iyi. Akanzi aivhaira chaizvo uye airoya. Zvaitonzi akanga asingadi kutamba nevamwe nekuti zvidhoma zvake hazvaimutendera kudaro. Aiti kana akasvika pane vamwe vasikana aingozoona votosimuka, umwe neumwe oinda nekwake. Semunhu akanga akaraigwa, hazvina hazvo kunyanya kumunetsa. Akatanga kungoita zvinhu zvake ari oga hake. Paainyanya kushuva kutaura nyava dzechikadzi nevamwe, aitoinda kwavatete vake vaya, hazvanzi yababa vake avo vaigara pedo nemusha wake muDangadema imomo.
Chimwe chakaita kuti hupenyu hwake muDangadema humuomere ndechokuti, panguva iyi, murume wake Chafunga aiita dzimwe nguva dzekuti iye nemamwe mauto ezera rake vaiinda kwavaindodzidza zvehondo nekusimbisa miviri kuti vagare vakakwana. Dzimwe nguva aiqhwera achivaka musha wake kuti ukure sezvo akanga aroora. Dzimwe nguva aiinda nevamwe varume kundovhima kuti awane husavi hwekupa mwenga wake. Zvose izvi zvaiita kuti nguva dzakawanda dzipere Nyaradzo ari oga. Pamazuva aainge ari oga, Nyaradzo waimukira kundoshanda mumunda wake wenzungu. Aizodzoka zuva rakwira ozvibikira kudhla kushomashoma. Aizoita zvimwe zvakaita sekudzudzura madziro edzimba dzake achishandisa vhu dzvuku nedota kuita mifananidzo yakasiyana-siyana. Kana zuva rorereka aizoinda kugwizi kunaChengura kundogeza zvake.
“Nhai sekuru, ko shiri yenyu iya makamboona kuti inogara iri yoga nguva zhinji here? Zvinotohwisa tsitsi,” uyu ndiShupai, mwana wehazvanzi huru yaMambo Zihwe waitaura namambo pavaifamba vachimema musha wavo.
“Haiwavo, uchataura zvemhepo iyo here iwe. Ndakasiyana naye kare asati abvisigwa fuma,” mambo vanopindura.
“Chete ndati ndingoreva. Mumwe musi hamutozvizivi kuti ndozviri kuitika”
“Ko chinomugarisa oga chii iye ane murume?”
“Aa-a, mukomana wacho idzvatsvatsva chairo Moyo. Unoqhwera achipemberera nenyika yose. Zvinomunakidza chose kuti ahwe vanhu vachimukuza kuti ndiye akadiwa nemukadzi akaramba mambo,” Shupai anodaro. Vakazoramba vachitaura zvavo nyaya dzimwe asi Mambo Zihwe shoko rekurambwa kwavo naNyaradzo rakanga ratovabata moyo zvakashata. Vakazosara kuparadzana fungwa dzavo dzava kure.
Mazuva akatevera, mambo vakati vaida kumboita sechiverera kufamba vari voga. Makurukota avo aigara akateya zheve hawo asi vaisiya mambo achifamba oga sezvaakanga avaudza. Zihwe akadzidza mafambire aNyaradzo ose. Mumwe musi akatomboita zvekuita seakaruka asongana naNyaradzo pazhira. Nyaradzo akabuda muzhira akagwadama akatarisa pasi sezvaidiwa nemutemo wemuDangadema kana munhukadzi achinge aita mahwekwe namambo.
“Sununguka hako zimhandara utaure wakamuruka,” akadaro Zihwe, achiedza kusekerera. Nyaradzo akaramba akagwadama. “Ndati simuka hako titaure, hapana chinokuona. Ndini mutemo saka hapana anokutongera kuti wataura neni wakamira.”
Nyaradzo akati,
“Taurai henyu she wangu. Taurai ndakagwadama. Ndingori muranda wenyu sevamwe.” Zihwe akazama kumuudza kuti akanga asina kufanana nevamwe uye kuti akanga asina kumbomira kumuda chero hazvo iye akanga amuramba. Akataura zvakawanda asi akazvihwa nechemumoyo make kuti aingoita sebenzi murume mukuru. Mashoko ake aiva asina kana neshumo yose. Akazodarika oindirira mberi negwendo gwake achingozvituka uye kuzvisvora kuti chaimudero chaiva chii chaizvo. Nyaradzo akasara osimuka oindavo nekwake. Zihwe akashaya kuti chaiva chii chaiita kuti abatwe nekusvoda uye kupata kana paaitanga kutaura naNyaradzo. Ko ndiye aiva mambozve, saka chose chaaida chaiitika. Chaifanira kutoitika. Zvaizopedzisira zvomupa hasha. Chainetsa ndechekuti kana paaibatwa nehasha dzake, hasha dzacho hadzaigona kuzoserera dzoga bodo. Dzaitofanira kuperera pane mumwe munhu chete. Musi uyu dzakaperera pamukadzi wake wepakati. Mukadzi uyu akanzi akanga abika muto wakawandisa mvura, naizvozvo akarikitwa zvaihwisa ngoni kune vaiona.
Chafunga paakaudziwa naNyaradzo zvakanga zvaitwa naMambo Zihwe akashushikana chaizvo. Akazoti pava paya, “Mudiwa, usanyanya hako kushaya hope nezvaitwa namambo. Dai vaida chaizvo vangadai vakakutora kare zveganyabvu pasina aiti, ‘bufu’, asi zvakatokona. Iyezvino vangangotaura havo asi havachatodi. Mambo havadi mukadzi akatombovata nemumwe murume. Vanotenda kuti zvinhu zvakadaro zvinogona kuvapedza simba ravo.” Izvi Chafunga akangotaura hake asi aiziva kuti zvaiva zvisina chokwadi, Chete kuti akashaya zvekutaura zvaiva nemusoro panguva iyi akati regai ndingotaura. Nyaradzo akasununguka nekuhwa mashoko awa.
Chafunga wakavata akatarira chiruvi chemba yake usiku uhu, fungwa dzichigayana. Wakakwenya mutsipa, akashanyarika kusvika huku yekutanga yarira, hope dzichiramba kubata. Akatanga kupindwa nefungwa yekuronga zvekutiza nemukadzi wake kuti vandovakira kuvakarahwa vake kwaMusita. Iyi yaiva fungwa yakanga yakanaka asi yaisvodesa. Vanhu vaizomuseka vachiti iye ndiye akanga atoroogwazve. Varume havadaro. Murume anoronga zano rakasimba rinoratidza fungwa nehushingi hwake. Kutiza kwaireva kuti aizogara nemukadzi wake zvakanaka asi nyika yose yaizomuseka. Chinhu chaainyanya kuziva ndechekuti, kana Mambo Zihwe achinge ada chinhu, aiita semhuka yada chinhu. Fungwa dzose dzinongonanga pane chinhu ichocho kusvika zvaita chete. Kuti amirisane naZihwe hazvaiita. Zihwe aimurova chero noruoko gumwe, agotora mukadzi wake, apedza agomuuraya futi pasina anoti bufu. Murume wakapera zano musi uyu. Hope dzakazomubata hadzo asi akanga afunga zvekutiza nemukadzi wake kuinda kwaMusita. Akazvinyaradza nechirevo chokuti gwara harina mbonje. Zvaingoda kurongwa chete kuti aizotiza sei zvisina mheremhere uye zvisingazihwi naMambo Zihwe.
Nhambo yaakanga otanga kubatwa nehope, Chafunga akahwa ngoma yezviziviso ichirira. Akaterera kurira kwayo. Akahwa ichirira rushanu ichimhanya, yozorirazve rushanu ichiita zvishoma zvishoma. Ichipedza kunozorira chimwe chingoma chichidzokorora zvimwezvo. Chafunga akaterera zvakare kwava kubva azotura mafemo. Ngoma iyi yaireva kuti kwaiva nenhume dzaizosvika kumauto dzichivazivisa zvirongwa zvamambo. Pakanga pakanaka nekuti yakanga isiri ziviso yehondo. Akaziva kuti kana kuzhe kwachena haaifanira kuzoinda kundotema nhungo dzaaida kuzopfuririsa tsapi yake. Aifanira kuzohwa mashoko enhume dzamambo. Nyaradzo akafara chose kuti musi uyu murume wake aizomuka ari pamba.
Zuva rakwira, nhume mbiri dzakasvika dzikaudza Chafunga kuti mambo aida mauto ose echikwata chavana Chafunga kuti chiinde kundotanga kuvaka dura kugomo rainzi Katuri. Vaifanira kutanga kufamba kwapera mazuva maviri aitevera. Gwendo gwekuKaturi gwaitora mazuva matutu kufamba. Mauto ose aizodarika nekumuzinda wamambo vachitora zvekudhla uye zvekushandisa kubva mudura guru remuDangadema. Nhume dzakadarikira dzichiinda kune mimwe misha.
“Saka mudiwa, wotomboshanyira vanamai kwaMusita panguva yandinenge ndisipoka iyi. Moyo wangu haungasunungiki kuti ndiinde kwemwedzi miviri yose iwe uchisara uriwoga pamusha pano,” akadaro Chafunga.
“Kundoona vanamai kwakanaka chose asi hapana hapo chandinoona kana ndiri pano. Handiti Zvanyadza naSemai dzinenge dziri pano. Handigoni kuti ndisiye nzungu dzangu dziri pazera radziri. Ndinofanira kutombopinda futi kuti ndidzisakurire. Nguva zhinji ndichange ndichindovata muimba yekubikira yavatete saka usavhunduka hako. Pasina nguva ndichange ndine vana vangu zvekuti chero ukatisiya hatitombokufungi kana,” Nyaradzo anodaro, vaviri ndokubva vaseka zvavo.
Chafunga akambozama kunyengerera mukadzi wake kuti ainde kwaMusita asi Nyaradzo akaramba. Akangomuvimbisa kuti hapana chaizoitika panguva yaanenge ari oga. Fungwa dzaChafunga dzairamba kugadzikana nekuda kwezvakanga zvaitwa naZihwe. Uku haana kuda kuvhundusira mukadzi wake nekumuudza zvezano rekutama kubva muDangadema. Akafunga zvekuzomuudza adzoka kubva kuruvako kuKaturi. Chakazomudzikamisa ndechekuziva kuti Mambo Zihwe aitoindavo kuKaturi ikoko, nekuti waivenga kusaririra pazvinhu zvakadai. Zihwe aiva nenjere dzekuvaka naizvozvo aifarira kuva paivakwa kuti apote achipa mazano ake.
Nezuva rekuonekana, Nyaradzo akachema zvakagwadza murume wake. Akaramba akamumbundikira achingosvimha misodzi iyo yainyorovesa bendekete raChafunga. Chafunga akamuyeuchidza kuti akanga asiri kuinda kuhondo kundofa asi kuti aiinda kundovaka dura guru renyika kunzvimbo yaizihwa nevashoma. Naizvozvo vaizoonana musure memwedzi miviri chete. Izvi aingotaura hake asi moyo wake waitsva nekugwadziwa. Wakanga asingadi kusiya mukadzi wake waaidisa chaizvo kwenguva yakareba kudai. Misodzi yake yaiva pedo chaizvo asi aiigwisa kuti isadonha. Murume haafaniri kuchema mberi kwemukadzi. Hazvitendegwi izvozvo.
Uto rogaroga raifamba uta huri pabendekete miseve iri munhava kumusana. Pamaoko paiwanikwa pane pfumo uye imwe midziyo yakaita semasanhu nemigwara zvaishanda pakuvaka. Kwaizowanavo rimwe boka revakomana raifamba rakabata zvimwevo zvakawanda-wanda zvakaita seufu nemidziyo yekubikisa. Usavi hwaingowanikwa mumatondo avaifamba iwawo. Mauto echiduku akainda achiimba akatungamirigwa naMambo Zihwe pachavo. Vakatanga kufamba zuva ratocheka nyika. Zvikomana zvaifudza mbudzi zvakambotevera zvichinakigwa nenziyo uye mafambiro aiita mauto. Zvakazodzoka zvoona mauto ava kure nemisha.
Mauto akatora zhira yaitoindavo nerimwe divi, kwete kuKaturi. Vakafamba vachingoimba kusvika zuva ravira. Pava pakati paho husiku, mauto akazoudzwa nevatungamiriri kuti vatange kufamba vachidzokera nekwavakanga vabva nako. Mauto akazotanga kumhanya zvisina ruzha. Vakapfuura nemujinga memisha yavo pasina aivaona. Panhambo iyi vakanga vananga kuKaturi zvino. Vakamhanya vose kusvika utonga hwatsvuka. Vakapinda muchikomo chaiva pedo vakazorora ipapo. Apa vakanga vava kure nemisha yavo chaizvo. Mukomana mumwe airamba achizarigwa muchifuva ndiye akambotogwa nemauto maviri echikuru aitungamira vakambonyangarika vose. Pavakazoonekwa vodzoka vakanga vasisina mukomana uya. Hapana akavhunza nezvemukomana uyu nekuti mauto ose aizviziva kuti ukavhunza zvakadaro waizongonzi,
“Hande tindokuratidza kwaari,” newe hawaizodzoka ikoko. Uto hari vhunzi zvinhu zviri pachena.
Vachisvika kuKaturi, havana kutambisa nguva. Zihwe nemachinda ake vaitoziva zvose zvaifanira kuitwa sevanhu vakanga vakatoronga kare. Mauto akaitwa zvipoka zvipoka vachipihwa vakuru vaizovaudza zvekuita. Basa rekuvaka iri raifanira kuitwa nekukurumidza kuitira kuti pasawana vavengi vaigona kuzoziva zvaiitika. Nokudaro, munhu wose waitarisigwa kuti ashande nesimba chaizvo. Munhu wose aizvizivavo kuti muripo wekunyozera waigona kureva kusazotsika kumusha zvakare.