Musuvawebhinya Part 2

Vakomana vaidawo Maria zvavakanzwa zvakanga zvaitwa naMusuvawebhinya vakaviruka nehasha. Nechinguva chisipi vakaungana vakarangana zvavaifanira kuita kuna Musuvawebhinya. Vamwe vakaona zvichizovapa mukana wokudiwa nomusikana, nokudaro vakatenderana kuti Musuvawebhinya aifanira kurakashwa zvaizoita kuti akungure kuti dai asina zvake kuzvarwa. Dambudziko padare iri rakava rokuti aizomutanga aiva ani. Vakomana vakatanga kuita mukariranwa, vakadzikana vaparadzana vachingokakavadzana.

Maria zvaakaona avakusvika kumba akatsvaka paiva nekarwizi ndokuzvigeza maparapadzwa sokuti akatya kuti vabereki vake vazive zvaive zvaitika. Zvaakasvika kumba akazama kwazvo kuvanza zvaimunetsa muhana make.

Kubva musi wakarohwa Maria naMusuvawebhinya mazuva mazhinji akapindana vasina kuonana. Musuvawebhinya aitarisira kuti pada achaita mahwekwe nomusikana asi hazvina kuitika. Ukuwo vakomana vaironga kukutsirana Musuvawebhinya vakaramba vachironga mamwe mazano matsva. Maria akanga asviba moyo wake kwazvo zvokuti akanga asisadi kuona chinonzi Musuvawebhinya. Aitanga atarisa kuti Musuvawebhinya haamo here munzira kuti afambe zvirinani. Akabva avenga kutumwa kuchitoro, akanga ongoda kugara zvake ari pamba. Vamwe vakomana vaisangana naye vaizama kuzvinatsurudza vachiti vaive vakasiyana kwazvo pazviito pamwe nepakuratidzika naMusuvawebhinya. Vaingozvinetsa nekuti hapana aivapindura, nokudaro vaingotaura vega.

Rimwe zuva Musuvawebhinya asingambofungiri, semunhu akanga asisina tarisiro yekuona Maria akabva asangana naye pamharadzano dzenzira. Maria akavhunduka kwazvo paakaona muvengi wake. Akada kuti achinje nzira kana kutsauka asi akaona kuti zvakanga zvisisabatsiri. Musuvawebhinya akazviona akabva ati,

“Usatya zvako mwanawe-e, changu kungokukwazisa badzi. Ko wakadini zvako Maria?” Maria akabva avhiringidzika. Kuti anyarare akatya zvikuru, akafunga zvaive zvamboitika. Pfungwa dzake dzichikuvhivhana akanzwa zvakare Musuvawebhinya obvunza zvakare,
“Ndati wakadiniko Maria?” Maria akazongonzwa inzwi rakabuda maari richiti,
“Ndi-ndi-ndi ndinofara zva-zva-ngu hameno i-i-imi?” Musuvawebhinya akafara kwazvo akabva ati,
“Maria ndinokuda, ndanga ndichida kuti undibikire. Unoti kudini napo?” Maria akashamisika zvikuru namashoko aya asi paakapindura akati
“Hongu ndazvinzwa.”
“Saka wandidawo here?” Akadaro Musuvawebhinya okwenya mhuno nakasiyanwa. Maria akada kuti amutuke, pedzezvo omudira jecha mumeso obva atiza, asi akabatwa nokutya kukuru. Paakapindura akanzwa mhinduro yake ichiti
“Hongu ndakuda” Musuvawebhinya haana kutendeseka nazvo. Akaita seachazvipwatsira pasi nomufaro.
“Hongu ndakunzwa zvawataura, wati wandida asika chinditaridza kuti wandida.”
“Ndogokutaridza sei?” Akadaro Maria aine kushamisika kukuru.
“Ndimbundire?” Akadaro Musuvawebhinya. Maria aive asina kumbombundira mukomana upenyu hwake hwese, asi apa haana zvaakapikisa akambundira Musuvawebhinya uyo ainhuwa dikita kwazvo.
“Hongu ndazviona kuti unondida asika chinditsvoda kamwe chete ndinyatsotendeseka.” Akadaro zvakare Musuvawebhinya ohuta norudo. Musikana akaita zvaive zvarehwa, izvi zvakafadza Musuvawebhinya.

Musuvawebhinya Akabva aperekedza Maria akamubata ruoko sevanhu vakanga vodanana. Zvino Musuvawebhinya zvaakanga achingunofamba naMaria achimuperekedza vakapfuura napachibhorani. Pachibhorani apa pakanga paungana vakomana vaya vaida kurova Musuvawebhinya. Zvavakaona zvakavapofumadza pamwe nokuvapedza simba. Vakambofunga kuti vairota. Pavakazodzidziuka, vakafamba vese vonanga kuna Musuvawebhinya naMaria. Vaive vafunga kumuita kafiramberi, Musuvawebhinya akavaona, meso ake akavarava akaona vari vashanu. Vakomana vakaramba vachiswedera, vamwe vavo vakanga vaine mapanga muhomwe. Musuvawebhinya Zvaakaona vava pedo haana kutirimuka, akatoramba akapfava zvake semangoi, izvi zvakavhundusa vakomana ava kuti sei aisatya. Zvavakanga vava pedyo, pachinhambo chekuti vaite Musuvawebhinya kanyamakanyama vakabva vasvika ndokutaudza Maria.

“Hiya, kubvira unotaurasu? Nguva yose taiti urimbevevezve?” Musuvawebhinya akabva avatarisa akasunga uso hwake. Vakomana vakaona ashanduka kuita cheni dzanzwa nokukweva tarakita. Vakamuona asviba kuita dzito. Akanga ofema nomusana sendere, gurokuro rake rakazvimba kusara raita serebugwa. Kuzoti maoko akaita matanda mukuona kwavo. Vakadedera nokutya.
“Heyazve, kubva zvamazviziva zvakanaka.” Akavapindura Maria. Angovapindura bedzi vakavafuratira voenda asi vakomana hapana akatevera.

Kubva zuva iri Musuvawebhinya akabva adanana netsvarakadenga zvakashamisa dunhu rose. Pasina nguva refu Maria akatyoka gumbo. Musuvawebhinya akabva aendesa mombe kuvakarabwa. Maria akaita vana vanomwe vose naMusuvawebhinya. Vana ava vakanga vakanaka, pada vakanga vatodza mai. Kana Maria aisada Musuvawebhinya pada aiva mazuva ekutanga. Rimwe zuva vapedza zvavo kurima Maria akati,
“Baba mwana ndaneta, chindiberekai.” Kuzoti aberekwa sorusvava Maria akati,
“Hiya, murume wangu handina kumboziva kuti unerudo gunotutuma sedundundu rako kudai.” Musuvawebhinya akaseka akati,
“Uchatondera here zuva randakakurova ndichijaya, wakazozvionaka kuti mune zvakaipa munogona kubudawo zvakanaka. Muti womuranjisi une minzwa inobaya, asi maranjisi anobuda mumuti uyu anonaka chose.”

Nanhasi ukaenda kuMasvingo, kwaChiremwaremwa unovaona, ukavashaya pamba pavo, vatarise patawindishipi, ukavashaya patawindishipi, vatsvage pachigayo. Harimboviri usina kuita mahwekwe navo vachingori vaviri, vaviri sehangaiwa.

 

KUBVA MUNA…. NYAYA DZEMUGOCHEGWA, DZAKADZEYEWA NOKUSEREDZEGWA NOMUKAKA WEHODZEKO.

Munyori vari:  CHASARAIGANDAMWEYAHAPACHINA.

Leave a Reply