Aizviziva kuti vanhu vaizviziva, kuti iye aizviziva kuti akanga akashata. Idzi dzaisava nhema, chakanga chirichokwadi. Gomana rakanga rakanyangara. Kusviba aiva matsito, meso aive akatsvuka seebere. Chiso waiti icheni yasakara nokukweva tarakita. Mhino waiti mikova yamapako okwaRunde, nzeve dzaiva dzakatiza dzoro raiva guru. Kuzoti gurokuro raigara rakarembera serebugwa ririkukama mukaka. Muromo wezasi waiva wakatsveyama waiti ndewemuramba wabatwa nechiredzo mumadhaka. Zvakangonodaro, gomana iri raiva rakasimba kwazvo. Maoko aiva mapango, dundundu raigara rakatutuma. Ko, ndiroka gomana raiitwa Musuvawebhinya. Ko ndiyeka aiva mwana wasabhuku Demawatema Ko ndiye cheteka aiva mwana waVaDemawatema.
Zvino Musuvawebhinya aigara muMasvingo, kwaChiremwaremwa. Munzvimbo iyi maigara tsvarakadenga yaibomha mvura kuri kunaka. Kumuona waiti haaindi kunoenda vamwe. Achifamba waiti arikumema munda. Aiti akatsika pasi, paidaira kuti “Hongu Mambokadzi.” Tsvarakadenga iyi yaiitwa Maria. Zvino vakomana vakawanda vaitya kumutanga sokuti aive akanaka zvinopofumadza, nokudaro vakomana vazhinji vaitaura naye, nokudanana naye kuhope badzi. Asika paivawo navakomana vaive vabva kumatawindi, vamwewo vaive vabva Jobheki, vamwewo ndevaizviona vakanaka. Ava ndivo vaizama zuva nezuva, kuti vadhingure moyo waMaria.
Zvino Maria dzimwe dzenguva aitumwa kuchitoro chaiva chinhambwe nepaaigara kuti andotenga zvaigona kuda kushandiswa pamba. Uwu ndiwo mukana waitorwa navakomana vaizviona varimhando yapamusoro kupinda vamwe. Vamwe ndevaikambira kuti vadanane naMaria, vamwe ndevaicherana pachavo, vamwewo ndevakarwa asi pasina ainge ambodiwa kusvika vagururana mazino. Chakanetsa vakomana vaienda kana kuti vakava nezvivindi zvekutaudza Maria ndechekuti iye aisavapindura. Ainyarara zvake sokunonzi hapana chaarikunzwa kana napaduku pose. Kuita uku kwakapedzisira kwapedza simba vakomana vazhinji, avo vakanga vongozamawo havo zvemurawo asi chivimbo chekudiwa vakanga vasisina.
Rimwe zuva Maria atumwa kuchitoro akasangana naMusuvawebhinya. Musuvawebhinya akavhiringidzika uruzvi aona kunaka kwaakanga asina kumboona muupenyu hwake. Kechiposhi muupenyu hwake hwose akakanganwa nyangwe nezita rake pamwe nemutupo wake. Akafunga kuti zvimwe airota, akambotya kutaura nezviuya izvi asi akazozvisimbisa nerokuti, ‘mapere zvaakatya akafa mangani.’ Akakwazisa musikana asi musikana haana kupindura. Kunyange zvazvo musikana akanyarara panze, mumoyo akatoti arikushurwa chose, mheno akawana kumba kusina manenji. Musuvawebhinya akakwenya musoro ndokusara angomira akayeva mwanasikana achienda. Vamwe vakomana vaidawo pavakaona Musuvawebhinya achizama vakafa zvafo nokuseka, vamwe vakatenderana kuti aiva nechivindi, vamwe vakati vaidaira kuti aiva akazora mafuta eShumba. Apa vaitarisa zvavaiva nezvaiva zvakaita Musuvawebhinya.
Musuvawebhinya haana kufara nezvakaitwa naMaria. Sadza chairo haana kugura misuva yakawanda. Hope dzakazouya machongwe orira achichochonyewa nezvakanga zvaitika. Rimwe zuva zvakare akaona Maria, akadozama kutaura zvakanyorovera sechiropa chembudzi asi hapana chakabatsira. Musikana akatotarira zvake divi.
Musuvawebhinya akabva aperawo simba sevamwe vaive vambozviyedza shasha. Chakanetsa ndechekuti Musuvawebhinya haana kugona kukanganwa runako rwomusikana uyu. Zvino zvakaitika zvakare kuti Musuvawebhinya akaona Maria achibva kwaaive atumwa, angomuona bedzi haana kana kumbotambisa nguva akabva aenda kwaari. Asvika akamukwazisa asi Maria haana kutirimuka. Akaramba anyerere samazuva ose. Musuvawebhinya akamukwazisa zvakare asi hapana chakashanduka, Musikana akanga otofambisa, izvi hazvina kufadza mukomana. Musuvawebhinya akambomira achikwenya musoro apererwa asi imwe pfungwa yakamuti ‘tevera, ndiwe Musuvawebhinya, mwanakomana waDemawatema, haunganyararirwi nomusikana.’ Gomana rakamhanya rikasvikokwazisa zvakare musikana, asi musikana haana kupindura, rakabva razarura ino mbama, iya yegudo inodzipura nenyama. Musikana akayuwira akagozeya sechamupupuri, Musuvawebhinya akateverera. “Ini ndakukwazisa, handina kukutuka saka zvorevei kana uchiramba wakanyarara?” Akadaro Musuvawebhinya. “Ndati wakadini uye unonzi ani?”
Musikana akanga achakabatwa negahadzo rezvaiitika haana kupindura asi akaramba achichema. Musuvawebhinya akamuvirika nayo imwe mbama yaiva namaungira. “Ndati unonzi ani!?” Akabvunza zvakare Musuvawebhinya, meso ake atsvuka seechapungu. “Ndinonzi Maria.” Akapindura musikana odedera sorutsanga zvake. Musuvawebhinya akabva amurega. “Ndozvandanga ndichida kuti upindure nokuti ndanga ndisina kukutuka asi ndakukwazisa munezvakanaka.” Akadaro Musuvawebhinya kuna Maria.
TO BE CONTINUED…..
KUBVA MUNA… NYAYA DZEMUGOCHEGWA, DZAKADZEYEWA NOKUSEREDZEGWA NOMUKAKA WEHODZEKO.
MUNYORI: CHASARAIGANDAMWEYAHAPACHINA.