Rimwe zuva ndakamboona mumwe murume neshamwari dzake vachizvimwira havo mipeta yavo. Murume uye akanga akagara pakati pechikwata uye ariratidza kuti ndiye aitengera vamwe vose doro. Shamwari dzake dzakanga dzichimuterera chaizvo. Murume uyu akanga akabata mwana wake airatidzika kuti akanga anegore rimwe kuda nemwedzi mitanhatu kana kuti misere pamakumbo. Chakandivhundusa ndechekuti muchinda uyu aipota achiti akati bhotoro mumuromo make, odzoka odzvutisa chimwanakomana chake chiya. Izvozvi aitozvirova dundundu uku vamwe vake vanenge vaitozviyeva.
Ropa rangu rakavira nehasha. Mufungwa dzangu ndakaona ndichimutsivamisa nekumurakasha zvakasimba chaizvo asi zvakangoperera mufungwa. Uyu akanga arimwana wake naizvozvo aingoita zvaaida naye sokuda kwake.
Ndakainda hangu kwandaiinda fungwa dzichibikana. Ndakashaya kuti kupata rudziyi kwakanga kwakafukidza muchinda uyu. Kuti ndokusaziva here kuya kwakanzi naLucky Chikuwa kufa? Svokwadi ndakakathlamara ndikashaiwa shumo yazvo. Fungwa dzangu dzakavanga kudzoka kumazuva andakanga ndichangobva kuHigh School pandakatogwa neshamwari dzangu, vakati timbosvika pashabhini. Shamwari dzangu dzaiti doro rekushabhini rainaka zvakapetwa rugumi chaigo kudarika rinomwigwa panzvimbo dzinotendegwa. Ndakazoshama hangu pandakasvikeko ndikawana Coke yaivapo ichishata zvakapetwa rugumi chaigo.
Zvisinei, vanhu vaiva pashabhini apa vairatidza kufara zvakadzama chaizvo. Muridzi weshabhini (mai vakanga vakanaka uso zvisingabviri ivavo) aiva nevanasikana vaviri vakanga vachiri kuprimary school mazuva iwawo. Vamwi vedoro mushabhini umo vaidaidza mai ava vachiti ‘Zimother’. Zvino nguva yogayoga yaidarika Zimother nemberi kwevarume vaimwa doro ravo, varume vamwe vaibva vombobata-bata havo magadziko aZimother awo akanga akati kurei chaizvo. Zimother vakanga vasingarambidzi kana kutuka varume ava uye vanenge vakanga vasina basa nazvo. Izvi hazvina kunyanya kundikathlamadza asi chakatotenderedza fungwa dzangu kuti Zimother vakanga vasina basa nekuti izvi zvaiitiwa vana vavo vasikana vaduku vaya vakatarira!
Nyaya iyoyi yakandishupa chose. Kurera vana rudzii uku? Ndinofunga vazhinji venyu munoziva vabereki vanorera vana vavo nezhira dzinovhundusa chero varikumhepo chaivo. Chinozosetsa ndechekuti vabereki vakadai unotoonavo vachitotaririra kuti vana vavo vachazova vanhu vanoremekedza kana kuremekedzwavo paneramangwana. Handizivi hangu kuti vana vandataura pamusoro apo vakazodii kana kuti varikudii nehupenyu hwavo izvozvi.
Kurera vana kunosiyana-siyana uye hachisi chinhu chedambe kwete. Vanhu vanorera vana nezhira dzakawanda, naizvozvo hakuna ingatonzi iyi ndiyo kwayo kana kuti inoshanda zvakanaka. Zvakadero, nguva zhinji pane chinhu chimwe chinowanikwa chichifanana pavanhu kosekose pasi rose chekuti vana vanotora vabereki vavo sekuti ishasha dzokutanga nedzekupedzisira. Chero vakaratidza sekuti vanovenga vabereki vavo, mukati-kati mehwendefa dzemoyo yavo vanenge vachingoti mubereki ndizvo. Izvi zvinoreva kuti zvose zvatinoita sevabereki tirimberi kwevana vedu zvinobetsera chaizvo pakuvakika kunoitika kwavari uye kunezvavachazova paneramangwana. Mazuva angu ndichirimuduku chose, nguva iya yekuti vana vanovhunza mivhunzo isingaperi, ndakambovhunza baba vangu kuti makore aigadzigwa nei chaizvo. Baba vangu vakangopindura vachiti “Chiutsi chinobva mumupon’olo weRISCO. (Rhodesia Iron and Steel Company) yava ZISCO iyi. Ndakahokura ndikadzidza kuGeography kuti makore chii, wanike hauzi utsi bodo. Zvisinei, nanhasi chero ndirikunyika ipi, ndikangoona makore chete, ndinobva ndatoona achigadzigwa nechiutsi chekuZISCO! Apa ndirikuedza kutaridza kusimba kweshoko rinobva kunamuzivazvose, anova ndiye mubereki.
Vana vanotarira nekuterera zvatinoita chaizvo vachitozvitora sekuti ndiyo zhira kwayo yekurarama. Vana vanotozihwa nekugara nhaka pazviito zvaiitwa nevabereki vavo chero zvaivasembura chaizvo. Pane vanakomana vakawanda vakakura nemadzibaba aivazvinda, ivo nanamai vavo pasina kana nechikonzero chiripachena avo vanozoonekwavo vakura vachiita zvimwezvo kumhuri dzavo. Vanenge vatoti ndozhira yazvo. Tinofanira kusvunurira nyaya iyi vabereki.
Mudzimai wangu Tsitsi wakaita mazuva akawanda achingonditi ndione imwe video yaLil Wayne yerumbo gwake gunohi ‘how to love’ Ndakatomboseka zvangu ndikati Lil Wayne chaiye, zvikanzi iyeye. Ini ndakanga ndanyanyaidza kuti pangotova nezvinematuro here zvingaitwa nechichi, Ichizve ichi chimupfana chinenyora uso hwose nemuviri wose chekuAmerica ichi. Ndakazoshama ndazoona video yazvo kuti inga zvapanechidzidzo chikuru pairi. Regai ndimbozama kutsanangura zviripavideo yacho, mumwe musi mungaona zvandakaonavo.
Video inotanga tichiona musikana akanaka chaizvo akavata pamubhedha kwachiremba achidzungudza musoro nekuchema nguva imwe. Musikana anobva azobuda muimba achiita zvokutiza, ovanga achienda. Tinozoratidziwa mwana uyu achiri muduku, mai vake vachigara nemurume aivarova nguva dzose. Tinotomboona musikana uya namai vake vachishanyira baba vake varimujere. Mai vazvo vanozotanga kudanana nemakwavava evarume kuti zvingohi vanemurume chete. Mumba inogara iritsiva yogayoga. Zvose izvi zvinenge zvichitika mumeso ake. Mumwe musi mai vake vakavata, murume wavo anozama kubata-bata musikana uya zvisizvo. Musikana unozokura hake. Unozviziva kuti wakanaka pachiso chaizvo. Izvi zvinoita kuti zvechikoro asanyanyozvikudza. Chaanozvidzidzisa kuzora-zora zvinoita kuti runako gwake gunatse kubuda. Musikana uyu unozotangavo kudanana nenhunzvatunzva dzemunharaunda make nekuti ndozvaiitwa namai vake. Pakadai mbereko hairambi. Musikana uya anoita vana, zvino kuti vana ava vadhle rinopisa, anotofanira kushandisa muviri wake kuti awane mari. Anoita basa rekufukurira varume nguvo nekuita zvechifambi kuti apuhwe mari nekuti chaanacho choga runako. Musoro imvura yogayoga. Mari yerudzi uku inowanza kubva kusvunu chete, nhundiramutsime chaidzo. Tinodzosegwa kunachiremba kuya musikana uya achiudziwa kuti ariHIV positive! Musikana anobuda achivanga, achichema zvinohwise ngoni achisiya mai vake vari voga. Zvose izvi zvinoitika nekuti musikana uyu akanga asingagoni kuzvikoshesa nekuzvipa rudo iye pachake kutanga.
Video inoenderera mberi. Tinoratidziwa kwekutanga musikana uya arimuduku zvakare asi hupenyu hunenge hwashanduridziwa zvino. Mai vanokurumidza kusiya murume aivashungurudza nguva dzose. Mai ava vanoziva kuzvikoshesa. Vanozvikoshesa zvekuti havadi kuita zvinhu zvekugurisira muhupenyu. Vanoziva kuti hupenyu hurefu. Vanoroogwa nemurume kwaye mberi kwemwanasikana wavo. Mwanasikana anokura oendavo kuchikoro, uko kwaanondodzidza nesimba. Anotanga kutamba nemujaya anokoshesavo kurongeka nekugadzirira ramangwana. Musikana wakanaka chose asi runako haguzigo gwaanotungamidza mberi. Tinodzosegwazve muimba yachiremba musikana uya achiudziwa kuti aripositive zvakare. Hon’o, anenge aripositive kuti pamuviri pakabata. Musikana anofara chaizvo uye anovonga mai vake nekuva muhupenyu hwake! Kana vasina kuona video iyi, zamayi kuitsvaga paYouTube palink inoti: https://www.youtube.com/watch?v=y8Gf4-eT3w0
Zvino kune vamwe vabereki vasingagoni kuda vanasikana vavo zvakanaka. Vabereki ava vanotoresva vana vavo. Unoona, kunyanya mamwe madzimai achitambura nekudada uye kuzvirova matundundu kuti vana vavo vakanaka kumeso zvisingabviri. Izvi vanozviita mberi kwevana vacho. Unowana mukadzi mukuru wopupira furo achitsanangura kuti mwana wake acharovanisa vakomana zvakadiyi kana akura. Chimwana chidukuduku chinopisiwa vhudzi nemishonga yakasiyana-siyana chigopfekedzwa iwo maweave akati kuuya awa, vedu… Pasina nguva kamwana kanenge kotozvihwa kuti ‘mai ndakanaka’ uye kanenge kotofunga kuti passport yezvose zvakanoda runako gwako. Apa ndipo panotangira nhamo zhinji dzamunoshaya kuti dzinobvepi. Hamunavo here kumbozviona kuti kune vanasikana vakanaka kumeso chaizvo uye vanogona kusimira nguvo dzakanaka zvakanakavo chaizvo asi ukazotarira mufungwa dzake unongoona irimvura yogayoga? Ini ndinozviona uye zvinondishayisa mufaro zvomene.
Iyi imhaka yevabereki vakatsomwaira chaizvo. Vabereki vakasimbisa zvinhu zvisizvo kuvana vavo. Vana vakapfekedzwa sevanhu vakuru ivo vachiri vaduku. Musanditora zvisizvo. Handiti kupfekedza vana nguvo dzakanaka chinhu chakashata bodo. Vana ngavageze, vavenge svina asi chinhu chakanakisisa ndechekuti vana vagone kuzvikoshesa kubva vari vaduku. Ngavazive kuti runako gwekumeso nemuviri mwaka unouya uchipera. Hapana munhu anokuda zvamazvirokwazvo kana iwe usati watanga kuzvida pachako.
Naizvozvo vabereki vanhasi nevabereki vamangwana, ngatiyeukei kuti tirikurarama munguva inezvikara zvinemeno anopinza chose uye dzimwe nguva tinowanikwa tichiita zvimwe zvinhu zvisina maturo. Chinhu chakakosha chaizvo kuti fungwa dzedu dzigare dzichiziva kuti zvose zvatinoita mberi kwevana vedu, mumwe musi tichaona mumvuri wazvo kwavari kana vakura. Ndangariro dzavo dzakasimba chaizvo kunyanya dzezvinhu zvinoitiwa neshasha dzavo chaidzo, isu vabereki. Vamwe vabereki vanerombo rakanaka rekuti vana vavo vanoramba zvachose kugara nhaka yezviito zvisina kururama asi tinozviziva kuti vanhu vanerombo rakanaka vashoma chaizvo. Mumwe musi iwe hauna rombo rakanaka panyaya idzi, naizvozvo tarira paunotsika. Tizive zvakare kuti mugoni wepwere ndeusinayo. Ukadzvara nyama goho rako ihonye. Anemeso okurava ahwa!
anonakidza