Kutsvuka Wakura SeBhuru-Mango

Ndini zvangu ndakanga ndirimuneimwe imba yokudhlira muguta reHarare. Meso angu songanei nemhandara yandakadzidza nayo chikoro kare. Yava zvayo mudzimai abve zera iyezvino. Chiso ndakakurumidza kuchiziva. Meso, mhino, muromo chirebvu, zheve nechimiro zvakanga zvichizvo zvakare. Moyo wangu wakamboti kuda kufananidza chete. Zvimwe kwaingovavo kufanana kana kuti yakanga iri hama yake. Pandakazoona kambonje kaiva pahuma yake nechedivi rokuruboqhwe, ndakabva ndati ‘Kathle, ndiye chete munhu uya’

Ini wakandiziva, asi akaita hake sekuti wakanga asingandizivi. Izvi zvakafambavo zvakanaka nekuti ini wacho ndaitosvodavo kuhwereketa naye. Chaidero ganda rake rakanga rashanduka hino. Kuchikoro taimuyemura chose nekuda kwekutsetseka kweganda rake. Taimutaura kwenguva yakareba nevamwe vakomana. Achiri musikana aiva neganda rakanaka chose rakasvibira uye anevhudzi guru, bva zvino ganda rake rakanga roonekera mukati serehove dziya dzinogara mumafish tank mudzimba. Kutarira maoko ake zvakanaka waigona kutoona ropa mutsinga, rimwe richierera richikwidza, rimwe richidzaka nokuda kwekunjemera. Chaitengesa kuti munhu uyu aimbova aneganda rakasvibira ndepaya panofonyoka napo zvikumwe. Ipapo panenge pakaita nharo dzekuramba kutsvuka. Svokwadi ndakahwa ngoni ndakamutarira.

Ndakazovhunzavo vamwe ndashupika kuti chigwere rudzii chinenge chabata vanhukadzi vakawanda vechitema. Ndakahwa kuti hachisi chigwere asi kuti vanhu vanenge vachishuvira kuva neganda dzvuku. Ndakavhunza kuti zvaizodii kana munhu acho atsvuka, zvikanzi anohodiwa navakomana. Ndakashupika chose ndikavhunza vanabhururu vangu vakawanda vakati, zvekuti munhu mutsvuku here kana kuti kwete hazvina zvazvaireva kwavari panyaya dzorudo. Vamwe vakati zvokwadi vaikurumidza kutosvogwa nevakadzi kana vasikana vatsvuku asi kwete hutsvuku hwechikorovonjo huya hunodzoka hoita sekuti munhu unogwara. Vamwe vakati kunotevedzegwa vanhu vanenge vaonekwa paTV, ndikangoti nhamo inenharo svokwadi. Iyi ishamhu yatakarohwa nayo vanhu vemuno muAfrica yekuzvivenga uye yokuzvishora, inogwadza fani. Izvozvi vashoma vagona kurava kusvika pano nekuda kwekuti havachatodi kuhwa nezvechinhu chinotaura nezvedu nemutauro wedu. Kwai kuhwereketa norurimi gwamai chibharanzi. Shungu dzavo zhinji ndedzekuda kuva varungu. Nhamo yacho ndeyekuti chero vakazama sei hazvifi zvakaita kuti zvidaro. Tinoziva hedu kuti kwadzinorohwa matumbu ndokwadzinovangira. Vanhu vatema tinozama chose kutevedzera avo vanotivenga nevanotisvora. Hatina kwatinosvika kana tisati togona kuzvida nezvatiri. Nguva yakutanga kana wanga uchigere ndiyoyi.

(Ndakanyora izvi ndaona chituko chekuti “Haiwa, uyo wakazotsvuka akura sebhuru-mango” kubva kunemumwe munhu paFacebook)

creambleach skin-bleaching-nigeria-1

(Zviri pamifananidzo iripamusoro iyo zvinogona kuitika kunevaya vanozama kugocha makanda avo kuti acheneruke. Mifananidzo iyi ndakaiwanavo painternet)

3 thoughts on “Kutsvuka Wakura SeBhuru-Mango
  1. Tawana muku mazai says:

    Thank you..

  2. Shumirai Tsitsi Mazombe says:

    Apa manyora chokwadi chogwadza moyo chaita kuti ndizvibvunzewo pandimire maererano neShona! Shamhu yatakarohwa nayo ihurusa vahanzvadzi!

  3. ishungu shuwa. Asika shungu dzinokunda ronda. Pada dzichava shungu dzegwizi dzakazoite dziva.

Leave a Reply