Kare Haagari ari kare

Kare haagari ari kare
Madzishe azuro, nhasi yavamirakwani
Hama dzangu regai kupata
Seiya nhunzi yokupata
Yakatevera chitunha kusvika yafutsigwavo
Musapata sechishambwe chiya
Chinoramba chakanamira pamhuka
Mhuka yacho yofudzwa zvayo namawanga
Kutoita henyu meso seenhukusa
Munosvadiwa mosewe-e

Yeukai kuti ramangwana ririko
Mhembwe inofuma yakabata museve
Nhasi haarambi ari nhasi
Muimbi akashaura akati;
Ramangwana rirongere
Tinomuka musoro wegudo chava chinokoro
Tichazoseka tichiti
Nhaiwe Nyamasase
Zvawakambopenya wani
Hino chiedza chako chazoindepi

One thought on “Kare Haagari ari kare
  1. kkkkk shoko rekupata kwavanhunzi

Leave a Reply