Maidei wakanga achengetera matama ake mumaoko zvino. Misodzi yakanga isina achapukuta. Zvimadzihwa ndizvo zvaaipota achikwevera mukati memhino apo neapo. Nhambo yakanga yafamba chose musi uyu asi iye akaramba akangogara akatarira rinda rababa vake. Mivhunzo yose yaakanga avhunza yakanga isina akanga akwanisa kuipindura. Guva harina kana nekuzununguka kose. Panguva idzi, kwakanga kwatodarika makore matatu ose kubva baba vake vapfuura asi mundangariro dzake, zvaiita sezvakanga zvaitika zuro chaiye.
Mazuva akazvagwa Maidei, baba vake vakanga vaita mari zhinji chose. Aiva mwana wechisikana wekutanga wababa vake, mberi kwake kunevakomana vatatu. Baba vake vakafara zvikuru nekuzvagwa kwemusikana uyu. Chisikana chakangosvika chikati godi, kugara muhana yabambo vacho chikaita sezvinonzi ndicho chaiva chana chavo choga. Chakava chana chamambo. Hapana waichigumbusa akakona kutsamwisa bambo vazvo. Hazvanzi dzake nevanun’una vake vaimutevera vakatombomugodokera asi hazvina zvazvakashandura. Maidei wakava moyo wababa vake.
Achidarika makore gumi nemana, mai vake chaivo vakatanga kugunun’una nekubatiwa kwaita mwana uyu pamusha pavo. Baba vake vakanga votoronga zvakawanda zvepamusha zvakaita sekuti chinotengwa chii, nezvimwe zvakadaro. Hapana aigona kutuma Maidei basa ripi zvaro kuzhe kwababa vake chete.
Nguva inoita kuti vanhu vajairire chero tsika dzisina maturo dzevanhu. Kunevemhuri zvakasvika pakupinda mumongo kuti zvaidiwa naMaidei ndizvo zvaitoitika pamusha apa. Maidei wakakuravo mukufamba kwenguva uku. Vakomana vakaona nhamo nekurambwa naye. Kunevaiita mhazha vaiwanza havo kuzokundikana pasina mazuva mazhinji vosiyanavo nazvo. Rimwe zuva baba vaMaidei vakaita tsaona nemota vakafira pakerepo. Mazuva akatevera upenyu hwaMaidei hwakatanga kushanduka.
Baba vake pavakashaika vakanga vasina kuraira nhaka. Fuma yose yakapuwa kuna mai nevanakomana vavo. Hapana akazogona kuitira Maidei zvose zvaaiitigwa nababa vake. Mushakabvu akanga atiza nezvose akandovanda nazvo mubwiro make. Izvi zvakaita kuti pamusha pave nebongozozo, musikana achikonana nevamwe vose. Mwanasikana akapitirigwa neshungu akaita seachaputika. Pakazouya mujaya ainzi Tonderai achikumbira rudo kunaMaidei, mhandara haina kufunga ruviri. Yakabva yangoronga zvekundotanga musha wayo unerudo norunyararo.
Mazuva ekutanga zvinhu zvose zvaiita sezvitsvene. Tonderai akanga aratidza kuti aizokwanisa kuitira Maidei zvose zvaaida sezviya zvaitiwa nabambo vake vachiri vapenyu. Mujaya akamhanya-mhanya akashereketa kuti zvinhu zvifambe. Unovanga unosvika pakunyara uye pakutsvaka kuzorora nekuti chisingaperi chinoshura. Musha unogozha. Zvokuva mai vemba zvakanetsa kuna Maidei. Chakanyanya kunetsa ndechekuti mumba makanga maita machongwe maviri pamutanda mumwe. Kudzoreka kwairamba pana Maidei semwana akanga akura asina anomudzora kuzhe kwabambo vake chete. Tonderai paaizama kutaura aiudziwa kuti akanga asiri baba vake naizvozvo zvekuraira aifanira kuzvichengetera vana vaaizozvara. Kuti adzake pamutanda ave sheche muchirugu chake, zvakamuomera. Shamwari dzake dzakamuudza kuti arutse zvaakanga adhlisiwa.
Pasina nguva, Tonderai akazoudza Maidei kuti adzokere hake kumba kwavo uko kwaakanga arimambo. Pamusha pake pakanga pouya aikwanisa kuzovamambokadzi. Maidei akashamisika nazvo asi chekuita pakanga pasina. Akadzokera hake kumba kwavo asi akandowana kwava nezvimwe. Akatanga kurarama hupenyu hwemuranda chaiye. Varoora vake vakanga vomuudza kuti ndivo vakanga vava vanamambokadzi vepamusha uyu saka iye aisafanira kusumudza musoro panechii zvacho chaiitika pamba apa. Machongwe epamusha apa akanga akura zvino. Ko chiiko chakanga chaita kuti Maidei arisiwe nemunyama zvakadai? Fungwa dzake dzakatenderera asi mhinduro akaishaiwa. Maidei akapinda muzhira kumbondovhunza baba vake.