Tsunga mhuri yanguwe-e
Nhambo ino usiku asi mangwana zuva rinobuda
Ndinozviziva munavo vana mukumbazvose
Vane moyo mikukutu chose
Mukavati nokorai ivo vanotomurudza chaenga chose
Kuvati vhurai zhira yekwambuya
Muguri wose unobandiwa
Chiororo chiripo zvacho
Mubwiro havapindi nazvo
Vari pamakwikwi kukambura zvidhlo zvavana
Hona voita zvokukomberana
Kwai vakuru vakareve nhema
Pavakati hushe madzoro
Hino kwavari huchava unorema mutoro
Matumbu avo mwena isingagumi
Kubva riini vachingotutira asingazari?
Chiororo chiripo zvacho
Mubwiro havapindi nazvo
Ndaiti matura angu zvaakazara
Zvokudhla zvavana vangu zvakati farara
Ndichazorora ndakafara
Ko ndaigozviziva here
Kuti zvose zvakagarigwa nemapere
Vana kutoridza mhere nezhara
Kwai vatopara mhaka
Asizve chiororo chiripo zvacho
Mubwiro havapindi nazvo
Tsungai zvenyu vana vangu zviuya zviri mberi
Moyo yavo ungati yakagadzigwa nemabgwe
Havazezi kudurura ropa revasine mhaka
Kwai tingahodhla takawanda zvikapera
Rutsutai gunovashingisa
Kuparadzanisa nyama nemweya yevasine mhaka?
Zvino kwavari zororo richashaikwa
Bva-chiororo chiripo zvacho
Mubwiro havapindi nazvo
Tsungirirai vanangu utonga hwatsvuka zvino
Chinamanenji chakaramba kufambisa hacho
Hon’o, chose chinobhururuka chinomhara
Uye chavakadhla chode kupfuka hino
Kwainzi tinozosiira vana vedu zvatinoba
Vasingazivi kuti vakakavira mhepo
Vana vavo vachacheka chamupupuri choga
Ndati chiororo chiripo zvacho
Mubwiro havapindi nazvo
Chitsungirirai mutore zvidzidzo vananguwe-e
Huku yarira, kuzhe kwayedza
Musazobatwazve nemakope eshuro
Mugodzokorora kurega vachidhla voga zvevana
Fuma yangu haidhliwi nevashoma
Ndeyenyu mose vanangu
Minyatso yangu inotowedzera kusisa
Ndokunge muchidhla mose vananguwe-e
Yeukai nguva dzose kuti
Mubwiro hamupindwi nazvo!
Ndozvo
Wabata panhyasi pemwoyo yedu
Zvandimwisa mvura izvi .Unyanzvi chaihwo.
Chisingaperi chinoshura. Chinobhuruka chinomhara.
Touching and ominous warning. Muparidzi akataura sokudaro. Zvese hazvina maturo. Kwese kumhanyisa chamupupuri. Zvokwadi mubwiro hakuna chatichatakura.
Zvinhu zviri kutoitika izvi
Varipo vajàira kudya zvevapfupi nekureba
I zvomene mwana wamai!! Kubva rini vachingotutira zvokwadi??
“Mashoko kutapira svumborume kutenga duri!”
Mashoko makukutu. Rambai makadaro. Ndanakidzwa uye kudzidza zvizhinji. Tinongodai kukwasha asi mubwiro hatipindi nazvo.
Zvosara pano pasi shuwa Bernadette. Ndinotenda chose.
Zvokwadizve wezhira
Dhange umwe wangu. Ndozvo chaizvo
Zvokwadizve wezhira
Mabaya dede nomukamwa- vono tungamigwa namatumbu avo
Chiri munenge chinozvihwira. Detembo randimwisa mvura.
Haa makaro akadai? Ugoona vanhu vacho kana nyadzi, kutofamba vakamisa miswe nemitsipa.
Hi Selina its Richard in Stevenge Hertfordshire