Nhasi mangwanani ndapinda muneimwe supermarket ndinechichemo changu ndikabatwa zvandikathlamadza chose. Ndatumigwa kune mumwe mudzimai anechinzvimbo chezvimwe zviripamusoro imomo kuti andibetsere. Mudzimai uyu wandimhorosa nechirungu ini ndikadavira hangu neChiKaranga. Tamboenda mberi tichitaura saizvozvo kusvika ati haatendegwi kutaura neni nechiShona. Ndakathlamara chose nazvo ndikamukumbira kuti andidanire munhu unogona kuhwanana neni pamutauro wangu. Waratidza kushipikana chose kusvika angozoti “Chitaurai henyu tinzwe” Tazohwereketa zvakanaka fani chichemo changu chikahwisisiwa.
Pane nyaya dzinopota dzichibuda online dzichitaura pamusoro pezvesarudzo dzekuti ndedzipi nyika dzemuAfrica dzine zvizvagwa zvemo zvinonyanya kugona kutaura chirungu kudarika vamwe muAfrica imomo. Ukaverenga fungwa dzevaverengi venyaya dzacho dzinowanikwa nechepasi penyaya idzodzo, svokwadi unobayikana nekusvoda. Ini ndinonyanya kusvodera vamwe vangu maZimbabweans. Vanhu vanopenga ipapo. Kwai, “He-e tisu tinokunda vose. Tinotochigona kudarika varidzi vemutauro wacho!” Zvokwadi vanhu vanendimi dzavo kutova ivo vanonyanya kubatikana nekuti kwai tanzi takundwa kutaura chirungu? Zvakagozha vedu. Chiinda kuchikoro uti mitauro yedu inogogonekwa nevangani? Kutoita mbiri here yekuti Shona ndiyo subject inokonekwa kudarika mamwe ose asi ndiyo ndimi yevazhinji muZimbabwe. Handizivi hangu kuti dzimwe ndimi dzemuno dziri kuita zvakadii pavhunzo.
Munyika yedu yeAfrica, kunyanya muno muZimbabwe, takarangwa neshamhu yakaoma chose. Vazhinji vedu, hon’o paganda takasviba hedu asi tinoshuvira chose kuti dai taiva varumbi. Kana panerudzi gunozvivenga pasi pano, vatema tirimberi chose. Tinoita sekunge vanhu varipamujawo wekutiza rudzi nehunhu hwedu. Vazhinji vanopembedza chose kuti vana vavo havagoni kutaura ndimi dzemadzimai avo. Hon’o munhu wogawoga anekodzero yekushara zvaanoda kuita nehupenyu hwake kana kutaura mutauro waanoda asi vazhinji vanekugumbuka kukuru muhupenyu hwavo nemhaka yekukumura culture yavo kwavanenge vakaita. Mundihwisise, handina kuti kugona kuhwa nekuhwereketa chirungu kwakashata, bodo. Ndirikungoti zvakanyanya kunaka kugona zvose.
Imwe yenhamo huru dzatirikuona muno muZimbabwe inyaya yekuti tinopembedza ndimi, ufumi, mitambo, zvikwata zvemitambo yakasiyana-siyana, nziyo nevaimbi nezvimwe zvakadaro zvekunedzimwe nyika asi kwete zvemumba medu. Hon’o zvikonzero zviripo zvikuru zvirikutuma kuti zvidai, asi chikuru chacho ndechekuti tinenge tinonyanyisa kuchochora zvirikuseri kweruzhowa tichifuratira zvedu zvirimunyika medu. Patinosvika seri kweruzhowa gwacho tinowana tisingadiwiko uye tichishogwa zvinosvodesa. Vana veZimbabwe tinoshanda, tineungwaru uye tinovimbika chose kana tichiita zvevamwe asi kana tichiita zvedu, tinokotoroka zvinokathlamadza. Vamwe vanotosvika pakutifananidza nen’ombe. Nesimba radzo rose, n’ombe dzinobetsera vanhu kurima asi pagoho racho kashoma kuti dziwane chinhu kuzhe kwekuzourawa nekudhliwa kana dzisisine simba.
Nhamo idzi nedzimwe dzatichahwereketa nezvadzo munguva dzinotevera padare pano, dzinogona kutapudzwa nechinhu chinoita sechiduku asi chakakura uye chakakosha chose. Chinhu ichi ndechekuti isu nevana vedu titange kudzidza uye kukoshesa mitauro yedu. Ngatiwanikwe tichishushikana, kana vana vedu vachitambudzika nekuhwereketa ndimi dzemadzimai avo. Ndinodero nekuti ufumi hweculture ipi neipi zvayo, huzhinji hwacho hwakapfekegwa mundimi dzayo. Hon’o culture inoshanduka-shanduka nhambo nenhambo uye kana takatarira yedu tinowana zvinhu zvakawanda zvinenge zvisina kumira kwazvo asivo mune zvizhinji zvakanaka chose. Zvakashata tinofanira kuzvijata asi zvakanaka towedzera kuzvinatsavozve. Choitisa kuti vazhinji vedu vaite sen’ombe dzemashanga ishoko iroro rekushaya yatingati identity. Kuchirungu kwavanovangira uko vanosvika vonzi “hatikuzivii, munonhuwa mazivanhu imi.” Kana vodzoka kumusha vonzi “Tibvirei apa, musada kutitsengere mvura pano.” Usathla kusekwa uchihi wakapata kana uchitaura nendimi yamai vako. Kubva nhasi, ziva kuti uyo usingagoni kutaura, kana kuti unozviti haagoni kutaura ndimi yamai vake, munhu iyeye wakapambwa mufungwa chaimo- mentally colonized! Inhapwa.
we should have a discussion about this….makes me livid…. inonzi affectation. i experienced the same @ food lovers- she kept responding nechirungu *pretty rude*. next time ndichakumbira anondihwisisawo. i am wiser now after reading this. u r so talented a….nyanduri chaiye….keep shining 🙂
Ehe, ndivo vanhu chaivo ivavo vakandiitira izvozvo. Unovaziva iwe. Kwai hatitendegwi kutaura nemimwe mitauro isiri chirungu, muno muZimbabwe nhai. Inga mabasa.
ummm ndafara chose nedzidziso iyi. deyi mamboonawo mabhuku atinoshandisa kuzvikoro uko kuti ndiwo mamwe ari kuuraya shona yedu kunyanya bhuku rinonzi PINDUKAI zvokwadi vapinduka . haisi shona irimo imomo. chirungu zvacho.Chishona chacho chasiyana neChishona chatakadzidza. chero pandinodzidzisa ndichiudza vana mamwe mahwi eChishona unoona vachiseka vachiti hakuna zvakadero , ino ndotokahlamadzwa nazvo nekuti vazhinji vanogara nanambuya vanofanira kuziva mutauro wedu. kwete vana mbuya chete asi dzatova chembere. zvinoreva kuti vanofanira kuva vari mberi pakudzidzisa vana vemazuvano mutauro wedu usati warashika.
Ndozvirokwazvo iyoyo!
Wow. Maita mududziranapose. Munyorezve nechirumbi kuitira hama dzedu dzirikumativi mana enyika kuti vakoshese mitauro yavo Ungava Swahili, Ibo, Nyanja zvichienda zvakadaro. Ruzhinji rwunoona kusagona chishona sekudzidza kukuru, regai vachiti vatsva vetsambo kana vodzipfeka dzinobva dzanzi shi shi shi.
Ndinotenda. Zvirimuzheve nemumeso zvose.